Ruka 5:1-16
Ruka 5:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.” Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!” Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.” Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera. Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari. Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.” Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo. Asi, kazhinji Jesu aizvitsaura achienda kusina vanhu kuti andonyengetera.
Ruka 5:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire pagungwa reGenesareti, akaona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka husvasvi hwavo. Akapinda mune rimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishona apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari muigwa. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Endai kwakadzika, mukande husvasvi hwenyu, kuti mubate.” Simoni akapindura, akati, “Tenzi, takatambura usiku hwose, tisingabati chinhu; asi zvamadaro imi, ndichakanda husvasvi.” Vakati vaita izvozvo, vakakuva hove zhinji, husvasvi hwavo hukabvaruka. Vakaninira shamwari dzavo mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura. Zvino, Simoni Pita wakati achizviona, akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati, “Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.” Nokuti akanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. Ndizvo zvanga zvaitawo Jakobho, naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva shamwari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.” Zvino, vakati vaisa magwa kunyika, vakasiya zvose vakamutevera. Akati ari kune rimwe guta, tarira, kwakanga kune murume akanga anamaperembudzi muviri wose; iye akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Ipapo akatambanudza ruoko, akamubata, achiti, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. Akamurayira kuti asaudza munhu, akati, “Enda unozviratidza kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.” Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuurisa; vanhu vazhinji-zhinji vakaungana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda avo. Asi iye akaenda mumarenje, akandonyengetera.
Ruka 5:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu zvavakanga vachiti unga–unga padyo naJesu vachida kunzwa shoko raMwari, iye akanga akamira pamahombekombe egungwa reGenesareti. Akaona magwa maviri ari kumucheto kwegungwa asi vabvuvi vakanga vabuda maari, vava kusuka usvasvi hwavo. Jesu akapinda mune rimwe igwa raiva riri raSimoni, akamukumbira kuti asuduruke abve kumucheto zvishoma. Zvino akagara mugwa muya akadzidzisa vanhu vazhinji arimo. Kuzoti apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Enda kwakadzika, mudzikise usvasvi hwenyu mubate hove.” Simoni akapindura akati, “Mudzidzisi, tabinduka usiku hwose, tikasabata chinhu, asi pamusana pokuti mazvitaura ndichadzikisa usvasvi mumvura.” Vakati vaita izvozvo, vakakukuzva hove zhinji, usvasvi hwavo hukatenge hoda kubvaruka. Zvino vakaninira vamwe vavo, vaiva mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri zvokuti akanga oda kutonyura. Zvino Simoni Pita akati aona izvi, akazviwisira pasi pamabvi aJesu achiti, “Tenzi, ibvai henyu kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.” Nokuti iye, navose vaaiva navo, vakanga vashamiswa nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. Ndizvo zvakaitawo vana Jemusi naJohani, vanakomana vaZebhedhi vaiita mushandirapamwe naSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatye hako, kubvira zvino uchava mubvuvi wavanhu.” Pavakasvitsa magwa avo pamahombekombe, vakasiya zvose vakamutevera. Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” Ipapo Jesu akatambanudza ruoko rwake ndokumubata achiti, “Ndinoda, chichenurwa uporeswe hako.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera. Jesu akamukohomedza kuti asaudze munhu. Asi akati, “Enda, undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako, sokutemwa kwazvakaitwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” Asi mukurumbira wake wakatopararira kwose kwose. Uzhinji hwavanhu hwakaungana kuzomunzwa nokuporeswa matenda avo. Asi Jesu aimbobva achienda kunzvimbo isina vanhu kundonamata.
Ruka 5:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimumanikidza kuti ʋanzwe shoko raMŋari, iye amire paguŋgwa reGenesareta, akaʋona magwa maʋiri ari paguŋgwa, asi ʋaɓati ʋehoʋe ʋakaŋga ʋaɓuɗa maari, ʋacisuka ʋutaʋa bgaʋo. Akapinda munerimŋe igwa, raiʋa raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paɗuku apinde mumʋura. Ɀino akagara, akadzidzisa ʋanhu ʋazhinji, ari mugwa. Wakati apedza kutaura, akati kunaSimoni: Pindai kwakadzika, mukande ʋutaʋa bgenyu, kuti muɓate. Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura ʋusiku bgose, tisiŋgaɓati cinhu; asi ɀamaɗaro imi, ndicakanda ʋutaʋa. Ʋakati ʋaita iɀoɀo, ʋakakomba hoʋe zhinji; ʋutaʋa bgaʋo bgukabvaruka. Ʋakaninira shamŋari dzaʋo munerimŋe igwa, kuti ʋaʋuye kuzoʋaɓatsira. Ʋakaʋuya, ʋakazadza magwa ose ari maʋiri, akaŋga onyura. Ɀino, Simoni Petro wakati aciɀiʋona, akaɀiwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi. Nokuti wakaŋga ashamiswa iye, naʋose ʋaakaŋga anaʋo nokuwanda kwehoʋe dzaʋakaŋga ʋaɓata. Ndiɀo ɀaŋga ɀaita ʋo Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋaiʋa shamŋari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni: Usatya, kubva ɀino ucaɓata ʋanhu. Ɀino, ʋakati ʋaisa magwa kunyika, ʋakasiya ɀose ʋakamuteʋera. Wakati ari kunerimŋe guta, tarira, kwakaŋga kunomurume wakaŋga anamaperembudzi pamuʋiri wose; iye akati aciʋona Jesu, akaɀiwisira pasi neciso, ndokukumbira kwaari, aciti: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. Ipapo akatambanudza ruʋoko, akamuɓata, aciti: Ndinoɗa, cinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. Akamuraira kuti asaʋudza munhu, akati: Enda undoɀiratidza kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuʋurisa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda aʋo. Asi iye wakaenda mumarenje, akandonyeŋgetera.
Ruka 5:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)