Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 5:1-16

Ruka 5:1-16 SUB1949

Ɀino, ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimumanikidza kuti ʋanzwe shoko raMŋari, iye amire paguŋgwa reGenesareta, akaʋona magwa maʋiri ari paguŋgwa, asi ʋaɓati ʋehoʋe ʋakaŋga ʋaɓuɗa maari, ʋacisuka ʋutaʋa bgaʋo. Akapinda munerimŋe igwa, raiʋa raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paɗuku apinde mumʋura. Ɀino akagara, akadzidzisa ʋanhu ʋazhinji, ari mugwa. Wakati apedza kutaura, akati kunaSimoni: Pindai kwakadzika, mukande ʋutaʋa bgenyu, kuti muɓate. Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura ʋusiku bgose, tisiŋgaɓati cinhu; asi ɀamaɗaro imi, ndicakanda ʋutaʋa. Ʋakati ʋaita iɀoɀo, ʋakakomba hoʋe zhinji; ʋutaʋa bgaʋo bgukabvaruka. Ʋakaninira shamŋari dzaʋo munerimŋe igwa, kuti ʋaʋuye kuzoʋaɓatsira. Ʋakaʋuya, ʋakazadza magwa ose ari maʋiri, akaŋga onyura. Ɀino, Simoni Petro wakati aciɀiʋona, akaɀiwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi. Nokuti wakaŋga ashamiswa iye, naʋose ʋaakaŋga anaʋo nokuwanda kwehoʋe dzaʋakaŋga ʋaɓata. Ndiɀo ɀaŋga ɀaita ʋo Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋaiʋa shamŋari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni: Usatya, kubva ɀino ucaɓata ʋanhu. Ɀino, ʋakati ʋaisa magwa kunyika, ʋakasiya ɀose ʋakamuteʋera. Wakati ari kunerimŋe guta, tarira, kwakaŋga kunomurume wakaŋga anamaperembudzi pamuʋiri wose; iye akati aciʋona Jesu, akaɀiwisira pasi neciso, ndokukumbira kwaari, aciti: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. Ipapo akatambanudza ruʋoko, akamuɓata, aciti: Ndinoɗa, cinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. Akamuraira kuti asaʋudza munhu, akati: Enda undoɀiratidza kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuʋurisa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda aʋo. Asi iye wakaenda mumarenje, akandonyeŋgetera.

Verenga chikamu Ruka 5