Ruka 4:14-20
Ruka 4:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza. Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge. Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti: “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.” Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari
Ruka 4:14-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akadzokera Gariria nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. Aidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose. Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave. Akapiwa bhuku yomuporofita Isaya; zvino akati aripetenura, akawana pakanyorwa panoti, “Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa; Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.” Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
Ruka 4:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu akadzokera Garirea ava nesimba raMweya; mukurumbira wake ukapararira kwose kwose munharaunda iyoyo. Akadzidzisa mumasinagogu avo achirumbidzwa navanhu vose. Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi, “Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.” Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa.
Ruka 4:14-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMŋeya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. Waidzidzisa mumasinagoge aʋo, acikudzwa naʋanhu ʋose. Akaȿika paNazareta, paakaŋga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesaɓata seɀaaisiita, akasimuka kuti araʋe. Akapiwa buku yomuprofita Isaya; ɀino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti: Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri; Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo; Namapofu kuti ʋaʋone ɀe; Ndiregedze ʋakatsikirirwa; Nokuziʋisa gore raShe rakanaka. Akapeta buku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso aʋose ʋaiʋa musinagoge akamutarisisa.
Ruka 4:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)