Zvino Jesu akadzokera Garirea ava nesimba raMweya; mukurumbira wake ukapararira kwose kwose munharaunda iyoyo. Akadzidzisa mumasinagogu avo achirumbidzwa navanhu vose. Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi, “Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.” Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa.
Verenga chikamu Ruka 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 4:14-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo