Ruka 3:16-22
Ruka 3:16-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Johani akapindura, akati kuna vose, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyo anouya, ane simba kupfuureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. Rusero rwake ruri muruoko rwake; achanatsa buriro rake kwazvo; achaunganidzira zviyo mudura rake; asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.” Akaparidzira vanhu Vhangeri, achivaraira namamwe mashoko mazhinji; asi ishe Herodhi, akati arairwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunun'una wake, nezvakaipa zvose zvaakanga aita iye Herodhi, akawedzera pamusoro pezvose chinhu ichi, kuti akapfigira Johani mutorongo. Vanhu vose vakati vabhabhatidzwa, naiye Jesu abhabhatidzwawo, achinyengetera, denga rikazarurwa, Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.”
Ruka 3:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura zvokuti ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.” Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari. Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womununʼuna wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita, Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo. Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”
Ruka 3:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Johani akavapindura vose achiti; “Hongu, ini ndinokuombekai nemvura, asi ane simba kupfuura ini ari kuuya. Ini handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake. Iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto. “Rusero rwake ruri muruoko rwake kuti aurutse zvapurwa paburiro rake, nokuunganidza koroni achiisa mudura rake, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimiki.” Nokudaro Johani akavaparidza Shoko Rakanaka achivakurudzira nenzira dzakasiyana–siyana. Asi Herodhi, mumwe wavatongi vana, zvaakatsiudzwa naJohani pamusana paHerodhiasi mukadzi womunun'una wake uye napamusana pezvakaipa zvose zvaakanga aita, akatowedzera zvakare pamusoro paizvozvi zvose nokuisa kwaakaita Johani mujeri. Vakati zvino vanhu vose vaombekwa, Jesu akaombekwawo. Achingunonamata denga rakazaruka, Mweya Mutsvene, aine muviri unenge wenjiva, akaburukira paari; izwi ndokubva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo ndiwe unondifadza zvikuru.”
Ruka 3:16-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Johane akapindura, akati kunaʋose: Ini ndinokubapatidzai nemvura, asi uyu unoʋuya, unesimba kupfuʋureni, wandisina‐kufanira kusunuŋgura rukanda rweshaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto. Rusero rwake ruri muruʋoko rwake; ucanatsa ɓuriro rake kwaɀo; ucaʋuŋganidzira ɀiyo muɗura rake; asi hundi ucaipisa nomŋoto usiŋgadzimŋi. Akaparidzira ʋanhu Evaŋgeri, aciʋaraira namamŋe mashoko mazhinji; asi Herode muɓati, wakati arairwa naye pamsoro paHerodiasi, mukadzi womunuŋuna wake, neɀakaipa ɀose ɀaakaŋga aita iye Herode, wakawedzera pamsoro peɀose cinhu ici, kuti wakapfigira Johane mutoroŋgo. Ʋanhu ʋose ʋakati ʋabapatidzwa, naiye Jesu abapatidzwa ʋo, acinyeŋgetera, ɗeŋga rikazarurwa, Mŋeya Mutȿene akaɓurukira pamsoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiʋa, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, unoɗikanwa; ndinokufarira.
Ruka 3:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)