Johani akavapindura vose achiti; “Hongu, ini ndinokuombekai nemvura, asi ane simba kupfuura ini ari kuuya. Ini handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake. Iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto. “Rusero rwake ruri muruoko rwake kuti aurutse zvapurwa paburiro rake, nokuunganidza koroni achiisa mudura rake, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimiki.” Nokudaro Johani akavaparidza Shoko Rakanaka achivakurudzira nenzira dzakasiyana–siyana. Asi Herodhi, mumwe wavatongi vana, zvaakatsiudzwa naJohani pamusana paHerodhiasi mukadzi womunun'una wake uye napamusana pezvakaipa zvose zvaakanga aita, akatowedzera zvakare pamusoro paizvozvi zvose nokuisa kwaakaita Johani mujeri. Vakati zvino vanhu vose vaombekwa, Jesu akaombekwawo. Achingunonamata denga rakazaruka, Mweya Mutsvene, aine muviri unenge wenjiva, akaburukira paari; izwi ndokubva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo ndiwe unondifadza zvikuru.”
Verenga chikamu Ruka 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 3:16-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo