Ruka 24:1-12
Ruka 24:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva. Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva, asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu. Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo. Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa? Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti: ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ” Ipapo vakarangarira mashoko ake. Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose. VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo. Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari. Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.
Ruka 24:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira. Vakawana ibwe rakunguruswa, rabviswa pabwiro, vakapinda, vakashayiwa chitunha chashe Jesu. Zvino vakati vachakanganiswa nazvo, tarira, varume vaviri vakamira navo vane nguo dzinopenya; zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari, “Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa? “Haapo pano, amuka. Fungai zvaakakuudzai achiri Gariria, kuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu vakaipa aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.’ ” Ipapo vakarangarira mashoko ake, vakadzoka vachibva kubwiro, vakaudza vane gumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose. Vaiva Maria Magadharina naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandoudza vapostori izvozvo. Mashoko awa akaita soupenzi kwavari; vakasaatenda. Zvino Petirosi akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akaona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba, ashamiswa nezvakanga zvaitwa.
Ruka 24:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva rokutanga revhiki, mambakwedza chaiwo, vakaenda kuguva vakatakura tunonhuwirira twuya twavakanga vagadzirira. Vakawana dombo riya rakungurutswa kubva paguva. Asi pavakapinda havana kuwana chitunha. Vachiri mukukangaidzwa naizvozvi, havo varume vaviri vakaerekana vamira pavaiva vaine hanzu dzaipenya zvikuru. Zvavakanga vavakutya zvikuru vakamira vakatsikitsira uso pasi. Varume vaya vakati kwavari, “Munotsvakireiko vapenyu mukati mavakafa. Yeukai zvaakakuudzai achiri kuGarirea zvokuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi agorovererwa pamuchinjikwa asi agozomuka nezuva retatu.’ ” Vakayeuka mazwi ake. Pavakadzoka kumakuva vakataurira zvose izvi kuna vane gumi nomumwe nokuna vamwe vose. Vakataurira vapositori zvose izvi, ndiMaria Magadharena naJoana naMaria amai vaJemusi navamwe vadzimai vavaiva navo. Mashoko aya, kwavari, akaita sezvinhu zvisina maturo saka havana kuatenda. [ Asi Pita akasimuka akamhanyira kuguva. Akakotama akadongorera mukati. Akaona machira erineni ari pawo oga. Akaenda kumba achishama nezvakanga zvaitika.]
Ruka 24:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nomusi wokutaŋga weviki, mambakwedza, ʋakaʋuya kubgiro, ʋakaɓata ɀinonhuwira, ɀaʋakaŋga ʋagadzira. Ʋakawana ibge rakuŋguruswa, rabʋiswa pabgiro, ʋakapinda, ʋakashaiwa mutumbu waShe Jesu. Ɀino ʋakati ʋacakaŋganiswa naɀo, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋakamira naʋo ʋaneŋguʋo dzinopenya; ɀino nokutya kwaʋo ʋakakotamira pasi neɀiso ɀaʋo, iʋo ʋakati kwaʋari: Munotȿakireiko mupenyu pakati paʋakafa? Haa’po pano, wamuka. Fuŋgai ɀaakakuʋudzai aciri Garirea, kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kuiswa mumaʋoko aʋanhu ʋakaipa, aroʋerwe pamucinjikwa, agomuka nezuʋa retatu. Ipapo ʋakaraŋgarira mashoko ake, ʋakadzoka ʋacibva kubgiro, ʋakaʋudza ʋanegumi nomumŋe naʋamŋe ʋose ɀinhu iɀoɀo ɀose. Ʋaiʋa Maria Magdarene naJohana naMaria, mai ʋaJakobo, naʋamŋe ʋakadzi ʋaiʋa naʋo, ʋakandoʋudza ʋaapostora iɀoɀo. Mashoko awa akaita sooʋupenzi kwaʋari; ʋakasaatenda. Ɀino Petro akasimuka, akamhanyira kubgiro; akakotama, akaʋona miceka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa neɀakaŋga ɀaitwa.
Ruka 24:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)