Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 24:1-12

Ruka 24:1-12 SNA2002

Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira. Vakawana ibwe rakunguruswa, rabviswa pabwiro, vakapinda, vakashayiwa chitunha chashe Jesu. Zvino vakati vachakanganiswa nazvo, tarira, varume vaviri vakamira navo vane nguo dzinopenya; zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari, “Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa? “Haapo pano, amuka. Fungai zvaakakuudzai achiri Gariria, kuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu vakaipa aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.’ ” Ipapo vakarangarira mashoko ake, vakadzoka vachibva kubwiro, vakaudza vane gumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose. Vaiva Maria Magadharina naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandoudza vapostori izvozvo. Mashoko awa akaita soupenzi kwavari; vakasaatenda. Zvino Petirosi akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akaona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba, ashamiswa nezvakanga zvaitwa.

Verenga chikamu Ruka 24