Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 22:7-38

Ruka 22:7-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika. Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai munotigadzirira Pasika tidye.” Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?” Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda, mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’ Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.” Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo. Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.” Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.” Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi. Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura. Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.” Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pakati pavo aizoita chinhu ichi. Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose. Jesu akati kwavari, “Madzimambo evedzimwe ndudzi ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri. Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda. Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda. Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu. Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo, kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri. “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi. Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti kutenda kwako kurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.” Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.” Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.” Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?” Ivo vakati, “Hapana.” Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga. Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.” Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.” Akapindura akati, “Zvaringana.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 22

Ruka 22:7-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa Pasika naro, akatuma Petirosi naJohani, achiti, “Endai, mundotigadzirira Pasika, kuti tidye.” Vakati kwaari, “Munoda kuti tigadzirirepiko?” Akati kwavari, “Tarirai, kana mapinda muguta, muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye kumba kwaanoenda; muti kumuridzi weimba, ‘Mudzidzisi anoti kwauri, imba yavaeni iripiko, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu? Achakuratidzai imba huru iri kumusoro, yakarongedzwa; gadzirai ipapo.’ ” Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avaudza; vakagadzira Pasika. Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navapostori. Akati kwavari, “Ndakanga ndichida zvikuru kudya Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyi, kusvikira yaitika muushe hwaMwari.” Zvino akatora mukombe; akavonga, akati, “Torai ichi, mugovane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino handichatongonwizve michero yomudzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.” Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti, “Ichi muviri wangu, unopirwemi; itai izvi, mugondirangarira.” Nokudarowo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi. “Asi tarirai, ruoko rwaiye, anondipandukira, runeni patafura. “Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakatemwa; asi anenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye.” Ipapo vakatanga kubvunzana kuti ndianiko kwavari angaita chinhu icho. Zvino nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari achanzi mukuru. Akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi, ‘Vabatsiri.’ Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri soanoshandira. Nokuti ndianiko mukuru, agere pakudya, kana anoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. “Zvino imi ndimi mavakugara neni pamiedzo yangu. Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.” “Simoni! Simoni! Tarira Satani akakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeuka, usimbise hama dzako.” Akati kwaari, “Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.” Akati, “Petirosi, ndinoti kwauri, nhasi, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu uchiti haundizivi.” Zvino akati kwavari, “Musi wandakakutumai, musina chikwama nehombodo neshangu, makashayiwa chinhu here?” Vakati, “Hakuna.” Akati kwavari, “Asi zvino, ane chikwama, ngaachitore, nokudarowo ane hombodo; asinamunondo, ngaatengese nguo yake, autenge. “Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti, ‘Akaverengwa pamwechete navadariki vomurayiro;’ nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.” Ipapo vakati, “Ishe, tarirai, heyi minondo miviri.” Akati kwavari, “Zvaringana.”

Ruka 22:7-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zuva guru reChingwa Chisina mbiriso rakazosvika rayiitwa hwayana yePasika chibayiro. Ipapo Jesu akatuma Pita naJohani achivati, “Endai mundotigadzirira Pasika kuti tigoidya.” Vakati kwaari, “Munoda kuti tindoigadzirira kupi.” Iye akati kwavari, “Pamunongoti pindei muguta muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei muimba yaanondopinda mugotaurira muridzi wemba iyoyo kuti, ‘Mudzidzisi ari kuti kwamuri, ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa. Imomo ndomomotigadzirira.” Vakaenda vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. Nguva yacho payakasvika, akagara pakudya pamwechete navapositori. Akati kwavari, “Ndaidisisa kwazvo kudya chirariro ichi nemi ndisati ndatambudzika nokuti, ndinokuudzai kuti handichazochidya kusvikira chazadziswa muumambo hwaMwari.” Akatora mukombe akatenda ndokuti, “Torai mukombe uyu mugoverane pakati penyu nokuti ndinokuudzai kuti kubvira zvino handizonwazve muchero womugirepisi kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.” Akatorawo chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Uyu muviri wangu unopirirwemi. Itai izvi mugochindiyeuka nazvo.” Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro achiti, “Mukombe uyu unoteurirwemi, chitenderano chitsva muropa rangu. “Asi chinzwai, achandipandukira ari kuseva neni mundiro. Mwanakomana womunhu anoenda zvake nenzira yaakatemerwa. Asi zvichamuwana munhu uyo anomutengesa.” Vakatanga kubvunzana kuti, “Ndiani wavo akanga achazoita izvozvo.” Pakamuka nharo pakati pavadzidzi dzokuti ndiani anofanira kutorwa somukuru wavo vose. Iye akati kwavari, “Madzimambo evechirudzi vanoita zvechisimba kuvanhu vavo. Uye vakuru vakuru vavo vanozviti vanasamwoyochena. Asi kwamuri hazvifaniri kudaro, mukuru pakati penyu ngaave iye somudiki. Uye mutungamiri aite somushandiri. Nokuti ndiani mukuru, agere pakudya here kana kuti muperekeri? Handiti ndouyo agere pakudya? Asika ndiri pakati penyu somuperekeri. “Imi ndimi makaramba muineni mumatambudziko angu, sokundipa kwakaita Baba umambo ini ndinohupawo kwomuri kuti muzodya nokumwa patafura neni muumambo hwangu makagara pazvigaro zvokutonga muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri. “Simoni, Simoni, tarisa uone Satani akumbira kuti akuzungurei sekoroni. Asi ndakunamatira kuti chitendero chako chirege kukundika. Kana uchinge wazotendeukazve simbisa hama dzako.” Pita akati, “Tenzi ndakagadzirira kuenda nemi kuJeri kana kurufu chaiko.” Iye akati kwaari, “Ndinokuudza Pita kuti, iye nhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Jesu akati kwavari, “Pandakakutumai musina chikwama kana tsapo kana shangu, pane chamakashaiwa here?” Vakati, “Hapana.” Iye akati kwavari, “Asi parizvino, uyo ane chikwama ngaachitore; ndizvo zvimwechetezvo neane tsapo. Uyowo asina bakatwa ngaatengese bhachi rake atenge bakatwa. Nokuti ndinokutaurirai kuti Magwaro Matsvene aya anofanira kuzadziswa mandiri anoti, ‘Akaverengerwa mukati mavatadzi nokuti zvakanyorwa nezvangu zvinofanira kuzadziswa.’ ” Ivo vakati, “Tarisai Tenzi, haano mapakatwa maviri.” Iye akavati, “Zvakwana.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 22

Ruka 22:7-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino zuʋa reɀiŋgwa ɀisinembiriso rakati raȿika, rakafanira kuɓayirwa paseka naro, akatuma Petro naJohane, aciti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye. Ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tigadzirirepiko? Akati kwaʋari: Tarirai, kana mapinda muguta, mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye kumba kwanoenda; muti kumŋene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu? Ucakuratidzai imba huru iri kumsoro, yakaroŋgedzwa; gadzirai ipapo. Ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza; ʋakagadzira paseka. Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika, akagara pakudya naʋaapostora. Akati kwaʋari: Ndakaŋga ndiciɗa ɀikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri: Handicazoidyi, kuȿikira yaitika muʋushe bgaMŋari. Ɀino akatora mukombe; akaʋoŋga, akati: Torai ici, mugoʋane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira ʋushe bgaMŋari bgaȿika. Akatora ciŋgwa, akaʋoŋga, akameɗura, akaʋapa, aciti: Ici muʋiri waŋgu, unopiwemi; itai iɀi, mugondiraŋgarira. Nokuɗaro ʋo, ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isuŋgano itȿa muropa raŋgu, rinoteʋurirwemi. Asi tarirai, ruʋoko rwaiye, unondipandukira, runeni patafura. Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakatemŋa; asi unenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye. Ipapo ʋakataŋga kubvunzana kuti ndianiko kwaʋari uŋgaita cinhu ico. Ɀino nharo dzakamuka pakati paʋo kuti ndiani kwaʋari ucanzi mukuru. Akati kwaʋari: Madzimambo aʋahedeni anesimba pamsoro paʋo, naʋaɓati ʋaʋo ʋanonzi ʋaɓatsiri. Ɀino imi musaɗaro, asi mukuru kwamuri ŋgaaʋe somuɗuku, nomutuŋgamiri sounoshumira. Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. Ɀino imi ndimi makagara neni pamiidzo yaŋgu. Ndinokugarisai nhaka yoʋushe saƂaɓa ʋaŋgu ʋakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura raŋgu muʋushe bgaŋgu; mucagara paɀigaro ɀoʋushe, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri. Simoni! Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeʋuka, usimbise hama dzako. Akati kwaari: Ishe, ndakaɀigadzirira kuenda nemi mutoroŋgo, kunyaŋge kurufu. Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, joŋgwe risati rarira, ucaramba katatu uciti haundiziʋi. Ɀino akati kwaʋari: Musi wandakakutumai, musinecikwama nehomboɗo neshaŋgu, makashaiwa cinhu here? Ʋakati: Hakuna. Akati kwaʋari: Asi ɀino, unecikwama, ŋgaacitore, nokuɗaro ʋo unehomboɗo; usinomunondo, ŋgaateŋgese ŋguʋo yake, auteŋge. Nokuti ndinoti kwamuri, kuti iɀi ɀakanyorwa ɀinofanira kuitika kwandiri, ɀinoti: Wakaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki ʋomurairo; nokuti iɀo ɀakanyorwa pamsoro paŋgu ɀoitika. Ipapo ʋakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miʋiri. Akati kwaʋari: Ɀariŋgana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 22

Ruka 22:7-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)