Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 22:7-38

Ruka 22:7-38 SUB1949

Ɀino zuʋa reɀiŋgwa ɀisinembiriso rakati raȿika, rakafanira kuɓayirwa paseka naro, akatuma Petro naJohane, aciti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye. Ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tigadzirirepiko? Akati kwaʋari: Tarirai, kana mapinda muguta, mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye kumba kwanoenda; muti kumŋene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu? Ucakuratidzai imba huru iri kumsoro, yakaroŋgedzwa; gadzirai ipapo. Ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza; ʋakagadzira paseka. Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika, akagara pakudya naʋaapostora. Akati kwaʋari: Ndakaŋga ndiciɗa ɀikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri: Handicazoidyi, kuȿikira yaitika muʋushe bgaMŋari. Ɀino akatora mukombe; akaʋoŋga, akati: Torai ici, mugoʋane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira ʋushe bgaMŋari bgaȿika. Akatora ciŋgwa, akaʋoŋga, akameɗura, akaʋapa, aciti: Ici muʋiri waŋgu, unopiwemi; itai iɀi, mugondiraŋgarira. Nokuɗaro ʋo, ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isuŋgano itȿa muropa raŋgu, rinoteʋurirwemi. Asi tarirai, ruʋoko rwaiye, unondipandukira, runeni patafura. Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakatemŋa; asi unenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye. Ipapo ʋakataŋga kubvunzana kuti ndianiko kwaʋari uŋgaita cinhu ico. Ɀino nharo dzakamuka pakati paʋo kuti ndiani kwaʋari ucanzi mukuru. Akati kwaʋari: Madzimambo aʋahedeni anesimba pamsoro paʋo, naʋaɓati ʋaʋo ʋanonzi ʋaɓatsiri. Ɀino imi musaɗaro, asi mukuru kwamuri ŋgaaʋe somuɗuku, nomutuŋgamiri sounoshumira. Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. Ɀino imi ndimi makagara neni pamiidzo yaŋgu. Ndinokugarisai nhaka yoʋushe saƂaɓa ʋaŋgu ʋakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura raŋgu muʋushe bgaŋgu; mucagara paɀigaro ɀoʋushe, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri. Simoni! Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeʋuka, usimbise hama dzako. Akati kwaari: Ishe, ndakaɀigadzirira kuenda nemi mutoroŋgo, kunyaŋge kurufu. Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, joŋgwe risati rarira, ucaramba katatu uciti haundiziʋi. Ɀino akati kwaʋari: Musi wandakakutumai, musinecikwama nehomboɗo neshaŋgu, makashaiwa cinhu here? Ʋakati: Hakuna. Akati kwaʋari: Asi ɀino, unecikwama, ŋgaacitore, nokuɗaro ʋo unehomboɗo; usinomunondo, ŋgaateŋgese ŋguʋo yake, auteŋge. Nokuti ndinoti kwamuri, kuti iɀi ɀakanyorwa ɀinofanira kuitika kwandiri, ɀinoti: Wakaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki ʋomurairo; nokuti iɀo ɀakanyorwa pamsoro paŋgu ɀoitika. Ipapo ʋakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miʋiri. Akati kwaʋari: Ɀariŋgana.

Verenga chikamu Ruka 22