Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 21:1-19

Ruka 21:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi. Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira. Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose. Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.” Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati, “Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richakandwa pasi.” Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?” Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera. Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.” Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga. “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu. Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari. Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei. Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa. Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanunʼuna, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu. Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara. Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 21

Ruka 21:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Akasimudza musoro akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo munzvimbo yaichengeterwa upfumi. Akaonawo chirikadzi yaiva murombo ichiisa tumari tuviri twekopa. Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chirikadzi iyi murombo yaisa zvinopfuura vose nokuti ivo vaisa zvabva mune zvakawanda zvavainazvo. Asi iyo nourombo hwayo, yaisa zvose zvainorarama nazvo.” Vamwe pavaitaura nezveTemberi kuti yakashongedzwa zvakadii namatombo akakosha nezvipo, Jesu akati, “Zvamuri kuona izvi, mazuva ari kuuya hapazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.” Vakamubvunza kuti, “Nhai mudzidzisi izvi zvichaitika rinhi uye kuti chiratidzo chokuti zvava kuda kuitika chichava chipi?” Iye akati, “Chenjerai kuti murege kurasikiswa nokuti kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye.’ Uye vachati, ‘Nguva yasvika.’ Imi musavatevere. Kana monzwa zvehondo namanyongori, musatye nokuti izvi zvinofanira kutanga zvaitika asi kuguma hakubva kwangova pakare pakarepo.” Akazoti kwavari, “Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo. Kuchava nokundengendeka kwapasi kukuru, munzvimbo dzakasiya–siyana muchava nedzinzara nezvirwere, kuchava nezvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichibva kudenga. Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi. Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu. Muchavengwa navose pamusana pezita rangu. Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika. Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu.

Ruka 21:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akati achitarira, akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari. Akaona imwe chirikadzi, yaiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku. Akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuura vamwe vose; nokuti avo vose vakaisa zvipo, vachitora pazvizhinji zvavanazvo, asi uyu akaisa, achitora pakushayiwa kwake, zvaayifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.” Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petemberi, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati, “Kana zviri izvi zvamunoona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.” Zvino vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvoda kuitwa?” Akati, “Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu’; ‘Nguva yaswedera.’ Musavatevera. “Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusi pakarepo.” Akati kwavari, “Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe. Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo. Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo namadzishe, nokuda kwezita rangu. Ichi chichava chapupu kwamuri. Naizvozvo simbai mumwoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo. Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva. Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun'una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachaurawa. Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu. “Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarasiki. Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 21

Ruka 21:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akasimudza musoro akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo munzvimbo yaichengeterwa upfumi. Akaonawo chirikadzi yaiva murombo ichiisa tumari tuviri twekopa. Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chirikadzi iyi murombo yaisa zvinopfuura vose nokuti ivo vaisa zvabva mune zvakawanda zvavainazvo. Asi iyo nourombo hwayo, yaisa zvose zvainorarama nazvo.” Vamwe pavaitaura nezveTemberi kuti yakashongedzwa zvakadii namatombo akakosha nezvipo, Jesu akati, “Zvamuri kuona izvi, mazuva ari kuuya hapazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.” Vakamubvunza kuti, “Nhai mudzidzisi izvi zvichaitika rinhi uye kuti chiratidzo chokuti zvava kuda kuitika chichava chipi?” Iye akati, “Chenjerai kuti murege kurasikiswa nokuti kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye.’ Uye vachati, ‘Nguva yasvika.’ Imi musavatevere. Kana monzwa zvehondo namanyongori, musatye nokuti izvi zvinofanira kutanga zvaitika asi kuguma hakubva kwangova pakare pakarepo.” Akazoti kwavari, “Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo. Kuchava nokundengendeka kwapasi kukuru, munzvimbo dzakasiya–siyana muchava nedzinzara nezvirwere, kuchava nezvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichibva kudenga. Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi. Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu. Muchavengwa navose pamusana pezita rangu. Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika. Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 21

Ruka 21:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakati acitarira, akaʋona ʋafumi ʋaciisa ɀipo ɀaʋo muciʋigiro cemari. Akaʋona imŋe cirikadzi, waiʋa murombo, aciisa’mo tumari tuʋiri tuɗuku. Akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Cirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuʋura ʋamŋe ʋose; nokuti aʋo ʋose ʋakaisa paɀipo, ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo, asi uyu wakaisa, acitora pakushaiwa kwake, ɀaaifanira kurarama naɀo, ɀose ɀaakaŋga anaɀo. Ɀino ʋamŋe ʋakati ʋacitaura pamsoro petembere, kuti yakaŋga yakashoŋgedzwa namabge akanaka neɀipo, iye akati: Kana ɀiri iɀi ɀamunoʋona, mazuʋa acaȿika, asiŋgazoregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Ɀino ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipi, kana iɀoɀi ɀoɗo‐kuitwa? Akati: Cenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu; ŋguʋa yasweɗera. Musaʋateʋera. Kana mucinzwa ɀokurwa, nenyoŋganiso, musavunduka henyu, nokuti iɀoɀi ɀinofanira kumboitwa; asi kuguma hakuȿiki pakarepo. Akati kwaʋari: Rudzi rumŋe rucamukira rumŋe rudzi, noʋushe bgumŋe bgucamukira bgumŋe ʋushe. Kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika kucaʋa’po, nokunedzimŋe nɀimbo nzara nehosha, neɀinotyisa, ʋuye ɀiratidzo ɀikuru, ɀicabva kuɗeŋga, ɀicaʋa’po. Asi iɀoɀi ɀose ɀisati ɀaȿika, ʋacakuɓatai, nokukutambudzai, ʋacikuisai kumasinagoge nomumatoroŋgo, nokukuisai pamberi pamadzimambo naʋaɓati, nokuɗa kwezita raŋgu. Ici cicaʋa capupu kwamuri. Naiɀoɀo simbai mumŋoyo menyu, kuti murege kumbofuŋgisisa pamucapindura napo. Nokuti ndicakupai muromo nokucenjera, kucakonesa ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose kukukundai nokuramba ɀamunoreʋa. Mucaiswa kuʋatoŋgi kunyaŋge naʋaɓereki, naʋanuŋuna, nehama, neshamŋari; ʋamŋe ʋenyu ʋacaʋurawa. Mucaʋeŋgwa naʋanhu ʋose nokuɗa kwezita raŋgu. Asi ruvudzi rumŋe rwomusoro wenyu haruŋgarashiki. Nokutsuŋgirira kwenyu mucawana ʋupenyu bgenyu.