Ɀino wakati acitarira, akaʋona ʋafumi ʋaciisa ɀipo ɀaʋo muciʋigiro cemari. Akaʋona imŋe cirikadzi, waiʋa murombo, aciisa’mo tumari tuʋiri tuɗuku. Akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Cirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuʋura ʋamŋe ʋose; nokuti aʋo ʋose ʋakaisa paɀipo, ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo, asi uyu wakaisa, acitora pakushaiwa kwake, ɀaaifanira kurarama naɀo, ɀose ɀaakaŋga anaɀo.
Ɀino ʋamŋe ʋakati ʋacitaura pamsoro petembere, kuti yakaŋga yakashoŋgedzwa namabge akanaka neɀipo, iye akati: Kana ɀiri iɀi ɀamunoʋona, mazuʋa acaȿika, asiŋgazoregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Ɀino ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipi, kana iɀoɀi ɀoɗo‐kuitwa? Akati: Cenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu; ŋguʋa yasweɗera. Musaʋateʋera. Kana mucinzwa ɀokurwa, nenyoŋganiso, musavunduka henyu, nokuti iɀoɀi ɀinofanira kumboitwa; asi kuguma hakuȿiki pakarepo.
Akati kwaʋari: Rudzi rumŋe rucamukira rumŋe rudzi, noʋushe bgumŋe bgucamukira bgumŋe ʋushe. Kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika kucaʋa’po, nokunedzimŋe nɀimbo nzara nehosha, neɀinotyisa, ʋuye ɀiratidzo ɀikuru, ɀicabva kuɗeŋga, ɀicaʋa’po. Asi iɀoɀi ɀose ɀisati ɀaȿika, ʋacakuɓatai, nokukutambudzai, ʋacikuisai kumasinagoge nomumatoroŋgo, nokukuisai pamberi pamadzimambo naʋaɓati, nokuɗa kwezita raŋgu. Ici cicaʋa capupu kwamuri. Naiɀoɀo simbai mumŋoyo menyu, kuti murege kumbofuŋgisisa pamucapindura napo. Nokuti ndicakupai muromo nokucenjera, kucakonesa ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose kukukundai nokuramba ɀamunoreʋa. Mucaiswa kuʋatoŋgi kunyaŋge naʋaɓereki, naʋanuŋuna, nehama, neshamŋari; ʋamŋe ʋenyu ʋacaʋurawa. Mucaʋeŋgwa naʋanhu ʋose nokuɗa kwezita raŋgu. Asi ruvudzi rumŋe rwomusoro wenyu haruŋgarashiki. Nokutsuŋgirira kwenyu mucawana ʋupenyu bgenyu.