Ruka 2:33-38
Ruka 2:33-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake. Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa, kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.” Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake, ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera. Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.
Ruka 2:33-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarehwa pamusoro pake. Ipapo Simioni akavaropafadzwa, akati kuna Maria, mai vake, “Tarira, mwana uyu akaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsiraeri, chichava chiratidzo chicharambwa; uye munondo uchabaya mweya wakowo; kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzizikanwe.” Zvino kwakanga kuna Anawo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; iye wakanga achembera kwazvo, akanga anomurume makore manomwe kubvira pahumhandara hwake, akanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana, akanga asingabvi mutemberi, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira usiku namasikati. Naiye akati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusaremu.
Ruka 2:33-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Baba vake naamai vake vakashamiswa vachinzwa zvakataurwa nezvake. Zvino Simeoni akavakomborera ndokuti kuna Maria amai vake, “Chinzwai, mwana uyu akasarudzirwa kuputsika nokumuka kwavazhinji muIsiraeri nokuvazve chiratidzo chichapikiswa.” Chichaita kuti pfungwa dziri mumwoyo yavazhinji dzizivikanwe. Nemiwo mwoyo wenyu uchabaiwa nebakatwa. Kwaivawo nomumwe muporofitakadzi ainzi Ana, mwanasikana waFanuero, wedzinza raAsheri. Iye akanga atokwegura. Akangogara nomurume wake kwamakore manomwe chete kubvira umhandara hwake, ndokuzogara sechirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere ana mana. Haaisiyana neTemberi, maaishandira Mwari siku nesikati, nokutsanya nokunamata. Akauyawo nenguva yakareyo akatenda Mwari ndokutaura nezvomwana uyu kuna vose vaimirira kununurwa kweJerusaremu.
Ruka 2:33-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ƃaɓa ʋake namai ʋake ʋakashamiswa neɀakarebga pamsoro pake. Ipapo Simeoni akaʋaropafadza, akati kunaMaria, mai ʋake: Tarira, mŋana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwaʋazhinji pakati paʋaIsraeri, cicaʋa ciratidzo cicarambga; ʋuye munondo ucaɓaya mŋeya wako ʋo; kuti ndaŋgariro dzemŋoyo mizhinji dzizikanwe. Ɀino kwakaŋga kunaAna ʋo, muprofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakaŋga acembera kwaɀo, wakaŋga anomurume makore manomŋe kubvira paʋumhandara bgake, wakaŋga ari cirikadzi yaiʋa namakore makumi masere namanna), wakaŋga asiŋgabvi mutembere, acishumira Mŋari nokuɀinyima ɀokudya nokukumbira ʋusiku namasikati. Naiye wakati aciȿika neŋguʋa iyo, akatenda Mŋari, akataura pamsoro pake kunaʋose ʋakaŋga ʋacitarira kusunuŋgurwa kweJerusarema.
Ruka 2:33-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)