Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:33-38

Ruka 2:33-38 SUB1949

Ƃaɓa ʋake namai ʋake ʋakashamiswa neɀakarebga pamsoro pake. Ipapo Simeoni akaʋaropafadza, akati kunaMaria, mai ʋake: Tarira, mŋana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwaʋazhinji pakati paʋaIsraeri, cicaʋa ciratidzo cicarambga; ʋuye munondo ucaɓaya mŋeya wako ʋo; kuti ndaŋgariro dzemŋoyo mizhinji dzizikanwe. Ɀino kwakaŋga kunaAna ʋo, muprofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakaŋga acembera kwaɀo, wakaŋga anomurume makore manomŋe kubvira paʋumhandara bgake, wakaŋga ari cirikadzi yaiʋa namakore makumi masere namanna), wakaŋga asiŋgabvi mutembere, acishumira Mŋari nokuɀinyima ɀokudya nokukumbira ʋusiku namasikati. Naiye wakati aciȿika neŋguʋa iyo, akatenda Mŋari, akataura pamsoro pake kunaʋose ʋakaŋga ʋacitarira kusunuŋgurwa kweJerusarema.

Verenga chikamu Ruka 2