Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:25-52

Ruka 2:25-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake. Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe. Akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro, Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti: “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa, zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose, chiedza chinovhenekera veDzimwe Ndudzi uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.” Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake. Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa, kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.” Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake, ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera. Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema. Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta. Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika. Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwidza naye kuMutambo, maererano netsika yavo. Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi. Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo. Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka. Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera uye achivabvunza mibvunzo. Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake. Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.” Iye akati, “Manga muchinditsvakireiko? Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?” Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari. Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo. Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, achidiwa naMwari uye navanhu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 2

Ruka 2:25-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino, kwakanga kune munhu paJerusaremu, ainzi Simioni; aiva munhu akarurama aida Mwari, aitarira kunyaradzwa kwavaIsiraeri; noMweya Mutsvene wakanga anaye. Iye akanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu, asati aona Kristu waIshe. Iye akauya mutemberi achifambirwa noMweya; zvino vabereki vakati vachiuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutoo womurayiro, akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari, achiti, “Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake Norugare sezvamakareva; Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi pavanhu vose; Chiedza chokuvhenekera vahedheni, Nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsiraeri.” Baba vake namai vake vakashamiswa nezvakarehwa pamusoro pake. Ipapo Simioni akavaropafadzwa, akati kuna Maria, mai vake, “Tarira, mwana uyu akaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsiraeri, chichava chiratidzo chicharambwa; uye munondo uchabaya mweya wakowo; kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzizikanwe.” Zvino kwakanga kuna Anawo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; iye wakanga achembera kwazvo, akanga anomurume makore manomwe kubvira pahumhandara hwake, akanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana, akanga asingabvi mutemberi, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira usiku namasikati. Naiye akati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusaremu. Zvino vakati vapedza zvose zvomurayiro waIshe, vakadzokera Gariria, kuguta ravo Nazareta. Mwana akakura, akasimba, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzikava pamusoro pake. Zvino vabereki vake vaisienda Jerusaremu makore ose kumutambo wePasika. Zvino iye akati ava namakore ane gumi namaviri, akakwirako netsika yomutambo. Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusaremu, vabereki vake vasingazivi. Asi zvavaiti zvimwe ari kuna vamwe vakanga vari panzira navo, vakafamba zuva rimwe, vakazomutsvaka kuhama dzavo nokushamwari dzavo. Vakati vamushaiwa, vakadzokera Jerusaremu vachimutsvaka. Mazuva matatu akati apfuura, vakamuwana ari mutemberi, agere pakati pavadzidzisi achiteerera nokuvabvunza. Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake uye nokupindura kwake. Zvino vakati vamuona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari, “Mwana, watiitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takakutsvaka tichichema.” Akati kwavari, “Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?” Vakasanzwisisa shoko raakavaudza. Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavateerera. Mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumwoyo mavo. Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 2

Ruka 2:25-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino muJerusaremu maiva nomumwe murume ainzi Simeoni. Akanga ari munhu akarurama anotya Mwari, uye akanga achitarisira kunyaradzwa kweIsiraeri. Mweya Mutsvene akanga ari paari. Munhu iyeyu akanga aziviswa naMweya Mutsvene, kuti haazofi asati aona Mesia waTenzi. Afemerwa naMweya, akapinda muTemberi. Vabereki zvavakauisa mwana Jesu kuzomuitira zviya zvaigaroitwa zviri muMutemo akatora mwana akamubata mumaoko, akarumbidza Mwari achiti; “Tenzi mungachirega muranda wenyu zvino achienda norugare, sokureva kwenyu, nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira kuti ruonekwe nendudzi dzose dzavanhu. Mwenje wokuvhenekera vechirudzi nomukurumbira wavanhu venyu vaIsiraeri.” Baba vake naamai vake vakashamiswa vachinzwa zvakataurwa nezvake. Zvino Simeoni akavakomborera ndokuti kuna Maria amai vake, “Chinzwai, mwana uyu akasarudzirwa kuputsika nokumuka kwavazhinji muIsiraeri nokuvazve chiratidzo chichapikiswa.” Chichaita kuti pfungwa dziri mumwoyo yavazhinji dzizivikanwe. Nemiwo mwoyo wenyu uchabaiwa nebakatwa. Kwaivawo nomumwe muporofitakadzi ainzi Ana, mwanasikana waFanuero, wedzinza raAsheri. Iye akanga atokwegura. Akangogara nomurume wake kwamakore manomwe chete kubvira umhandara hwake, ndokuzogara sechirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere ana mana. Haaisiyana neTemberi, maaishandira Mwari siku nesikati, nokutsanya nokunamata. Akauyawo nenguva yakareyo akatenda Mwari ndokutaura nezvomwana uyu kuna vose vaimirira kununurwa kweJerusaremu. Zvino kuzoti vapedza kuita zvose zvaidiwa noMutemo waTenzi vakadzokera Garirea kuguta ravo reNazareti. Mwana uyu akakura akasimba, akazara noungwaru, nechikomborero chaMwari chaive chiri paari. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusaremu kumazuva makuru ePasika. Kuzoti Jesu ava namakore gumi namaviri, vakakwirako samaitiro avo. Zvino kuzoti mazuva makuru ePasika apera, vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara kuJerusaremu. Vabereki vake havana kuzviziva. Vakafamba rwendo rwomuswere wezuva vachifunga kuti ari mukati mavamwe vavaifamba navo. Vakazomutsvaga mukati mehama neshamwari dzavo. Zvavakamushaya vakadzokera Jerusaremu vachimutsvaka. Nezuva rechitatu vakazomuwana ari muTemberi agere pakati pavadzidzisi achiteerera zvavaitaura achivabvunzawo mibvunzo. Vose vakamunzwa vakashamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake. Vabereki vake, pavakamuona vakashamiswa kwazvo. Ipapo amai vake vakati, “Nhai mwanangu, wakaitireiko zvinhu zvakadai kwatiri? Tarisa uone Baba vako neni takatambudzika kwazvo tichikutsvaka.” Iye akavapindura achiti, “Chakaita kuti munditsvake kumwe kwese chii? Makanga musingazive here kuti ndinofanira kuva muimba yaBaba vangu?” Asi ivo havana kunzwisisa zvaakavataurira. Akadzika navo akasvika kuNazareti, kwaakagara navo achivateerera. Amai vake vakapfundira zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo. Zvino Jesu akakura muungwaru, nomumhu wake, nomukudiwa naMwari navanhu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 2

Ruka 2:25-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino, kwakaŋga kunomunhu paJerusarema, wainzi Simeoni; waiʋa munhu wakarurama waiɗa Mŋari, waitarira kunyaradzwa kwaʋaIsraeri; noMŋeya Mutȿene wakaŋga anaye. Iye wakaŋga aratidzwa noMŋeya Mutȿene, kuti haaŋgaʋoni rufu, asati aʋona Kristu waShe. Iye wakaʋuya mutembere noMŋeya; ɀino ʋaɓereki ʋakati ʋaciʋuya nomŋana Jesu, kuti ʋaite naye nomutoʋo womurairo, akamuɓata mumaʋoko ake akarumbidza Mŋari, aciti: Ɀino, Tenzi, muranda wenyu ŋgaaende hake Norugare seɀamakareʋa; Nokuti meso aŋgu aʋona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi paʋanhu ʋose; Ciedza cokuvenekera ʋahedeni, Nokurumbidzwa kwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri. Ƃaɓa ʋake namai ʋake ʋakashamiswa neɀakarebga pamsoro pake. Ipapo Simeoni akaʋaropafadza, akati kunaMaria, mai ʋake: Tarira, mŋana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwaʋazhinji pakati paʋaIsraeri, cicaʋa ciratidzo cicarambga; ʋuye munondo ucaɓaya mŋeya wako ʋo; kuti ndaŋgariro dzemŋoyo mizhinji dzizikanwe. Ɀino kwakaŋga kunaAna ʋo, muprofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakaŋga acembera kwaɀo, wakaŋga anomurume makore manomŋe kubvira paʋumhandara bgake, wakaŋga ari cirikadzi yaiʋa namakore makumi masere namanna), wakaŋga asiŋgabvi mutembere, acishumira Mŋari nokuɀinyima ɀokudya nokukumbira ʋusiku namasikati. Naiye wakati aciȿika neŋguʋa iyo, akatenda Mŋari, akataura pamsoro pake kunaʋose ʋakaŋga ʋacitarira kusunuŋgurwa kweJerusarema. Ɀino ʋakati ʋapedza ɀose ɀomurairo waShe, ʋakadzokera Garirea, kuguta raʋo Nazareta. Mŋana akakura, akasimba, akazara nenjere; nenyasha dzaMŋari dzikaʋa pamsoro pake. Ɀino ʋaɓereki ʋake ʋaisienda Jerusarema makore ose kumutambo wepaseka. Ɀino iye wakati aʋa namakore anegumi namaʋiri, ʋakakwira’ko netsika yomutambo. Ʋakati ʋapedza mazuʋa, pakudzoka kwaʋo mŋana Jesu akasara Jerusarema, ʋaɓereki ʋake ʋasiŋgaziʋi. Asi ɀaʋaiti ɀimŋe uri kunaʋamŋe ʋakaŋga ʋari panzira naʋo, ʋakafamba zuʋa rimŋe, ʋakazomutȿaka kuhama dzaʋo nokuʋazikani ʋaʋo. Ʋakati ʋamushaiwa, ʋakadzokera Jerusarema ʋacimutȿaka. Mazuʋa matatu akati apfuʋura, ʋakamuwana ari mutembere, agere pakati paʋadzidzisi aciterera nokuʋabvunza. Ʋose ʋakaŋga ʋacimunzwa, ʋakashamiswa nokuziʋa kwake ʋuye nokupindura kwake. Ɀino ʋakati ʋamuʋona, ʋakakatyamara; mai ʋake ʋakati kwaari: Mŋana, watiitireiko ɀakaɗai? Tarira, ɓaɓa ʋako neni takakutȿaka ticicema. Akati kwaʋari: Makaŋga mucinditȿakireiko? Makaŋga musiŋgaziʋi kuti ndinofanira kuʋa paɀinhu ɀaƂaɓa ʋaŋgu here? Ʋakasanzwisisa shoko raakaʋaʋudza. Ipapo akaɓuruka naʋo, akaȿika Nazareta, akaʋaterera. Mai ʋake ʋakaceŋgeta mashoko iwayo ose mumŋoyo maʋo. Jesu akaramba acienda mberi pakucenjera, napakukura, napakufadza Mŋari naʋanhu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 2

Ruka 2:25-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)