Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:25-52

Ruka 2:25-52 SUB1949

Ɀino, kwakaŋga kunomunhu paJerusarema, wainzi Simeoni; waiʋa munhu wakarurama waiɗa Mŋari, waitarira kunyaradzwa kwaʋaIsraeri; noMŋeya Mutȿene wakaŋga anaye. Iye wakaŋga aratidzwa noMŋeya Mutȿene, kuti haaŋgaʋoni rufu, asati aʋona Kristu waShe. Iye wakaʋuya mutembere noMŋeya; ɀino ʋaɓereki ʋakati ʋaciʋuya nomŋana Jesu, kuti ʋaite naye nomutoʋo womurairo, akamuɓata mumaʋoko ake akarumbidza Mŋari, aciti: Ɀino, Tenzi, muranda wenyu ŋgaaende hake Norugare seɀamakareʋa; Nokuti meso aŋgu aʋona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi paʋanhu ʋose; Ciedza cokuvenekera ʋahedeni, Nokurumbidzwa kwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri. Ƃaɓa ʋake namai ʋake ʋakashamiswa neɀakarebga pamsoro pake. Ipapo Simeoni akaʋaropafadza, akati kunaMaria, mai ʋake: Tarira, mŋana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwaʋazhinji pakati paʋaIsraeri, cicaʋa ciratidzo cicarambga; ʋuye munondo ucaɓaya mŋeya wako ʋo; kuti ndaŋgariro dzemŋoyo mizhinji dzizikanwe. Ɀino kwakaŋga kunaAna ʋo, muprofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakaŋga acembera kwaɀo, wakaŋga anomurume makore manomŋe kubvira paʋumhandara bgake, wakaŋga ari cirikadzi yaiʋa namakore makumi masere namanna), wakaŋga asiŋgabvi mutembere, acishumira Mŋari nokuɀinyima ɀokudya nokukumbira ʋusiku namasikati. Naiye wakati aciȿika neŋguʋa iyo, akatenda Mŋari, akataura pamsoro pake kunaʋose ʋakaŋga ʋacitarira kusunuŋgurwa kweJerusarema. Ɀino ʋakati ʋapedza ɀose ɀomurairo waShe, ʋakadzokera Garirea, kuguta raʋo Nazareta. Mŋana akakura, akasimba, akazara nenjere; nenyasha dzaMŋari dzikaʋa pamsoro pake. Ɀino ʋaɓereki ʋake ʋaisienda Jerusarema makore ose kumutambo wepaseka. Ɀino iye wakati aʋa namakore anegumi namaʋiri, ʋakakwira’ko netsika yomutambo. Ʋakati ʋapedza mazuʋa, pakudzoka kwaʋo mŋana Jesu akasara Jerusarema, ʋaɓereki ʋake ʋasiŋgaziʋi. Asi ɀaʋaiti ɀimŋe uri kunaʋamŋe ʋakaŋga ʋari panzira naʋo, ʋakafamba zuʋa rimŋe, ʋakazomutȿaka kuhama dzaʋo nokuʋazikani ʋaʋo. Ʋakati ʋamushaiwa, ʋakadzokera Jerusarema ʋacimutȿaka. Mazuʋa matatu akati apfuʋura, ʋakamuwana ari mutembere, agere pakati paʋadzidzisi aciterera nokuʋabvunza. Ʋose ʋakaŋga ʋacimunzwa, ʋakashamiswa nokuziʋa kwake ʋuye nokupindura kwake. Ɀino ʋakati ʋamuʋona, ʋakakatyamara; mai ʋake ʋakati kwaari: Mŋana, watiitireiko ɀakaɗai? Tarira, ɓaɓa ʋako neni takakutȿaka ticicema. Akati kwaʋari: Makaŋga mucinditȿakireiko? Makaŋga musiŋgaziʋi kuti ndinofanira kuʋa paɀinhu ɀaƂaɓa ʋaŋgu here? Ʋakasanzwisisa shoko raakaʋaʋudza. Ipapo akaɓuruka naʋo, akaȿika Nazareta, akaʋaterera. Mai ʋake ʋakaceŋgeta mashoko iwayo ose mumŋoyo maʋo. Jesu akaramba acienda mberi pakucenjera, napakukura, napakufadza Mŋari naʋanhu.

Verenga chikamu Ruka 2