Ruka 2:14-20
Ruka 2:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.” Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.” Saka vakakurumidza kusimuka vakaenda vakandowana Maria naJosefa, nomwana, akanga avete muchidyiro chezvipfuwo. Vakati vamuona, vakaparadzira shoko maererano nezvakanga zvataurwa pamusoro pomwana uyu, uye vose vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakataurirwa navafudzi. Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make. Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa.
Ruka 2:14-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mwari ngaarumbidzwe kumusoro, Norugare ngaruve navanhu vaanofarira.” Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti, “Ngatiende hedu Bheterehemu, tindoona chinhu ichi chakaitwa; chatakaziviswa naIshe.” Ipapo vakakurumidza kuenda, vakawana Maria naJosefa, nomwana mucheche avete muchidyiro chezvipfuwo. Vakati vaona, vakazivisa kwose shoko ravakanga vaudzwa rezvomwana uyo. Vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakaudzwa navafudzi. Asi Maria akachengeta mashoko iwayo ose, achifungisisa mumwoyo make. Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakaona, sezvavakanga vaudzwa.
Ruka 2:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, pasi pano rugare ruve kuvanhu vaanofarira.” Kuzoti vatumwa vaye vabva pavari, vachienda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehemu tindoona zvaitika izvi zvataziviswa naTenzi.” Vakaenda vachikurumidza vakasvikowana Maria naJosefi, uyezve mucheche arere muchidyiro chezvipfuwo. Kuzoti vafudzi vaona mwana vakatanga kurondedzera zvavakanga vataurirwa nezvemwana uyu. Vose vakanzwa izvi vakashamiswa kwazvo nezvavakataurirwa navafudzi. Asi Maria akapfundira zvinhu zvose izvi mumwoyo make achinyatsozvifungisisa. Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pazvose zvavakanga vanzwa nezvavakaona sokuudzwa kwavakaitwa.
Ruka 2:14-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari ŋgaarumbidzwe kumsoro‐soro, Norugare ŋgaruʋe naʋanhu ʋaanofarira. Ɀino ʋatumŋa ʋakati ʋabva kwaʋari, ʋaenda kuɗeŋga, ʋafudzi ʋakataurirana, ʋaciti: Ŋgatiende heɗu Betrehema, tindoʋona cinhu ici cakaitwa, catakaziʋiswa naShe. Ipapo ʋakakurumidza kuenda, ʋakawana Maria naJosefa, norushiye ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo. Ʋakati ʋaʋona, ʋakaziʋisa kwose shoko raʋakaŋga ʋaʋudzwa romŋana uyo. Ʋose ʋakanzwa ʋakashamiswa neɀaʋakaʋudzwa naʋafudzi. Asi Maria wakaceŋgeta mashoko iwayo ose, aciafuŋgisisa mumŋoyo make. Ɀino ʋafudzi ʋakadzokera kwakare, ʋacikudza nokurumbidza Mŋari pamsoro peɀose ɀaʋakanzwa neɀaʋakaʋona, seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa.
Ruka 2:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)