Mŋari ŋgaarumbidzwe kumsoro‐soro, Norugare ŋgaruʋe naʋanhu ʋaanofarira. Ɀino ʋatumŋa ʋakati ʋabva kwaʋari, ʋaenda kuɗeŋga, ʋafudzi ʋakataurirana, ʋaciti: Ŋgatiende heɗu Betrehema, tindoʋona cinhu ici cakaitwa, catakaziʋiswa naShe. Ipapo ʋakakurumidza kuenda, ʋakawana Maria naJosefa, norushiye ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo. Ʋakati ʋaʋona, ʋakaziʋisa kwose shoko raʋakaŋga ʋaʋudzwa romŋana uyo. Ʋose ʋakanzwa ʋakashamiswa neɀaʋakaʋudzwa naʋafudzi. Asi Maria wakaceŋgeta mashoko iwayo ose, aciafuŋgisisa mumŋoyo make. Ɀino ʋafudzi ʋakadzokera kwakare, ʋacikudza nokurumbidza Mŋari pamsoro peɀose ɀaʋakanzwa neɀaʋakaʋona, seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa.
Verenga chikamu Ruka 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 2:14-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo