Ruka 19:45-48
Ruka 19:45-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya. Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.
Ruka 19:45-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akapinda mutemberi, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo, achiti kwavari, “Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo.” Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi; asi vapristi vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuuraya. Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa.
Ruka 19:45-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akapinda muTemberi akatangisa kudzinga vaitengesa achiti kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira asi imi makaiita bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa mazuva ose muTemberi. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vavanhu vaitsvaka zvokumuparadza asi havana kuwana chavakagona kuita, nokuti vanhu vose vanga vangoti kwati kwati kumashoko ake.
Ruka 19:45-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakapinda mutembere, akataŋga kuɓuɗisira kunze ʋakaŋga ʋaciteŋgesa’mo, aciti kwaʋari: Kwakanyorwa kuti imba yaŋgu icaʋa imba yokunyeŋgetera; asi imi makaiita ɓako ramakororo. Waidzidzisa zuʋa rimŋe nerimŋe mutembere; asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋacitȿaka kumuʋuraya. Asi ʋakaŋga ʋasiŋgawani ɀaʋaŋgaita, nokuti ʋanhu ʋose ʋakamunamatira, ʋacimunzwa.
Ruka 19:45-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)