Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 19:45-48

Ruka 19:45-48 BDSC

Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya. Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.