Ruka 19:1-10
Ruka 19:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo. Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo. Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji. Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo. Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kunogara mumba mako nhasi.” Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro. Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugununʼuna vachiti, “Aenda kunova mueni wo‘mutadzi.’ ” Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.” Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama. Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
Ruka 19:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akapinda Jeriko, akapfuura napakati. Zvino murume aivapo, ainzi Zakeo; iye akanga ari mukuru wavateresi, uye aiva mupfumi; akatsvaka kuona Jesu, kuti ndiye ani; asi akanga asingagoni, nokuti akanga akapfupika. Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuonde kuti amuone, nokuti akanga opfuura napo. Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.” Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro. Vose vakazviona, vakagu'nun'una, vachiti, “Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.” Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.” Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiyewo mwanakomana waAbhuruhamu. “Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
Ruka 19:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akapinda muJeriko achipfuura nomo. Maiva nomumwe murume ainzi Zakeo. Aiva mukuru mukuru wavateresi uye ari mupfumi. Aida kuona zvakaita Jesu asi haana kukwanisa nokuda kwegurumwandira ravanhu nokuti iye akanga akapfupika. Ipapo akafanomhanyira mberi ndokukwira mumuonde kuti amuone nokuti akanga achizopfuura nepo. Jesu paakasvika panzvimbo iyoyo, akatarisa mudenga akamuti, “Zakeo kurumidza kuburuka nokuti ndinofanira kundogara kumba kwako nhasi.” Saizvozvo akakurumidza kuburuka akamugamuchira norufaro. Vanhu pavakazviona, vose vakanyunyuta vachiti aenda kundogara mumba momutadzi. Zakeo akamirawo achiti kuna Tenzi, “Chionai Tenzi ini ndichapa kuvarombo hafu yezvinhu zvangu. Kana ndakabiridzira munhu chinhu ndichamudzorera kakapetwa kana.” Jesu akati kwaari, “Nhasi uno ruponeso rwauya kumba ino nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahamu nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
Ruka 19:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakapinda Jeriko, akapfuʋura napakati. Ɀino murume waiʋa’po, wainzi Zakeo; iye wakaŋga ari mukuru waʋateresi, ʋuye waiʋa mufumi; akatȿaka kuʋona Jesu, kuti ndiye ani; asi wakaŋga asiŋgagoni, nokuti wakaŋga akafupika. Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuʋonde kuti amuʋone, nokuti wakaŋga opfuʋura napo. Ɀino Jesu wakati aciȿika’po, akatarira kumsoro, akati kwaari: Zakeo, kurumidza uɓuruke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako. Iye akakurumidza kuɓuruka, akamugamucira nomufaro. Ʋose ʋakaɀiʋona, ʋakaŋuŋuna, ʋaciti: Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi. Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe: Tarirai, Ishe, ndinopa ʋarombo hafu yefuma yaŋgu, ʋuye kana ndatorera mumŋe cinhu cake nokunyeŋgera, ndinomudzosera ɀaʋa ɀinna. Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwaȿika paimba ino; nokuti naiye ʋo mŋanakomana waAbrahama. Nokuti Mŋanakomana womunhu wakaʋuya kuzotȿaka nokuponesa cakarashika.
Ruka 19:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)