Akapinda muJeriko achipfuura nomo. Maiva nomumwe murume ainzi Zakeo. Aiva mukuru mukuru wavateresi uye ari mupfumi. Aida kuona zvakaita Jesu asi haana kukwanisa nokuda kwegurumwandira ravanhu nokuti iye akanga akapfupika. Ipapo akafanomhanyira mberi ndokukwira mumuonde kuti amuone nokuti akanga achizopfuura nepo. Jesu paakasvika panzvimbo iyoyo, akatarisa mudenga akamuti, “Zakeo kurumidza kuburuka nokuti ndinofanira kundogara kumba kwako nhasi.” Saizvozvo akakurumidza kuburuka akamugamuchira norufaro. Vanhu pavakazviona, vose vakanyunyuta vachiti aenda kundogara mumba momutadzi. Zakeo akamirawo achiti kuna Tenzi, “Chionai Tenzi ini ndichapa kuvarombo hafu yezvinhu zvangu. Kana ndakabiridzira munhu chinhu ndichamudzorera kakapetwa kana.” Jesu akati kwaari, “Nhasi uno ruponeso rwauya kumba ino nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahamu nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
Verenga chikamu Ruka 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 19:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo