Ruka 16:13-16
Ruka 16:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.” VaFarisi, avo vaida mari vakanzwa zvose izvi vakatuka Jesu uye vakamuseka. Iye akati kwavari, “Imi munozviruramisira pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Zvinhu zvinokudzwa pakati pavanhu zvinonyangadza pamberi paMwari. “Murayiro navaprofita zvakaparidzwa kusvikira pana Johani. Kubvira panguva iyoyo, vhangeri roumambo hwaMwari riri kuparidzwa, uye mumwe nomumwe anozvimanikidzira kupinda mahuri.
Ruka 16:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri, nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achinamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungashandirii Mwari nePfuma.” Zvino vaFarisi, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka. Akati kwavari, “Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyangadza pamberi paMwari. “Murayiro navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kuna Johani; kubva panguva iyo ushe hwaMwari hunoparidzwa, mumwe nomumwe anopinda mahuri nesimba.
Ruka 16:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Hapana muranda anogona kushandira vatenzi vaviri nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe kana kuti kwati kwati nomumwe achishora mumwe wacho. Haugoni kushandira Mwari uye mari.” VaFarisei vaidisa mari, vakanzwa zvose izvi vakamuseka. Asi akati kwavari, “Imika ndimi munozviita vakanaka pamberi pavanhu asi Mwari anoziva mwoyo yenyu nokuti chinorumbidzwa navanhu chinosemesa pana Mwari. “Mutemo navaporofita zvaivapo kusvikira pana Johani. Kubvirawo ipapo Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari rinoparidzwa, munhu wosewo ari kuita zvokumanikidzira kupindamo.
Ruka 16:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakunomuranda uŋgagona kuɓatira ʋatenzi ʋaʋiri: nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe; hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma. Ɀino ʋaFarise, ʋakaŋga ʋaciɗa mari, ʋakanzwa iɀoɀo ɀose, ʋakamuseka. Akati kwaʋari: Imi munoɀiruramisa pamberi paʋanhu, asi Mŋari unoziʋa mŋoyo yenyu; nokuti iɀo ɀinokudzwa pakati paʋanhu, ɀinonyaŋgadza pamberi paMŋari. Murairo naʋaprofita ɀakaŋga ɀiri’po kuȿikira kunaJohane; kubva paŋguʋa iyo ʋushe bgaMŋari bgunoparidzwa, mumŋe nomumŋe unopinda mabguri nesimba.
Ruka 16:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)