Ruka 16:10-13
Ruka 16:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda. Saka kana manga musina kutendeka paupfumi hwenyika, ndianiko achavimba nemi paupfumi hwechokwadi? Uye kana wanga usina kutendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupa zvinhu zvako iwe? “Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”
Ruka 16:10-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akatendeka pazvinhu zviduku-duku, akatendekawo pazvikuru; asi asakarurama pazvinhu zviduku-duku, haangaruramiwo pazvikuru. Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka papfuma isakarurama, ndianiko achakutendai nepfuma yechokwadi? Kana musina kuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupai zvenyu? “Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri, nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achinamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungashandirii Mwari nePfuma.”
Ruka 16:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anovimbika mune zvidiki anovimbika mune zvikuru. Uyowo asingavimbiki mune zvidiki haavimbikiwo mune zvikuru. Zvino kana usingavimbiki munezvemari isina kururama zvayo, ndiani angakuchengetese upfumi hwechokwadi? Zvino kana usina kuvimbika nechinhu chomumwe ndiani angakupe zvako pachako?’ “Hapana muranda anogona kushandira vatenzi vaviri nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe kana kuti kwati kwati nomumwe achishora mumwe wacho. Haugoni kushandira Mwari uye mari.”
Ruka 16:10-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakatendeka paɀinhu ɀiɗuku‐ɗuku, wakatendeka ʋo paɀikuru; asi usakarurama paɀinhu ɀiɗuku‐ɗuku, haaŋgarurami ʋo paɀikuru. Naiɀoɀo kana musina‐kuʋa ʋakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko ucakutendai nefuma yaɀokwaɗi? Kana musina‐kuʋa ʋakatendeka paɀinhu ɀomumŋe, ndianiko ucakupai ɀenyu? Hakunomuranda uŋgagona kuɓatira ʋatenzi ʋaʋiri: nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe; hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.
Ruka 16:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)