Ruka 14:1-24
Ruka 14:1-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo. Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe. Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?” Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende. Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?” Ipapo vakashayiwa chokureva. Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari, “Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa. Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira. Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.” Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanunʼuna vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa. Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu, ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.” Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru akakoka vanhu vazhinji. Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’ “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’ “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbondodziedza. Ndapota ndiregererei.’ “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’ “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta unouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.’ “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’ “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare. Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’ ”
Ruka 14:1-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi nomusi weSabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza. Zvino kwakanga kune mumwe munhu pamberi pake aiva norukandwe. Ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurayiro nokuvaFarisi, achiti, “Kwakatenderwa kuporesa nomusi weSabata here, kana kwete?” Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa. Akati kwavari, “Ndianiko pakati penyu, angati, kana mwanakomana wake, kana mombe yake yawira mugomba, angarega kuibudisa pakarepo nomusi weSabata?” Vakasagona kupindurazve pamusoro paizvozvi. Zvino akataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti akaona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari, “Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumuchato, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, anokudzwa kupinda iwe, akokerwawo naye; zvino akakukokera iwe naye, angasvika, akati kwauri, ‘Ibvapo, munhu uyu agare; ipapo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyarara.’ Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo akakukokera, kana achisvika, agoti kwauri, ‘Shamwari, pinda mberi!’ Zvino uchakudzwa iwe pamberi pavose vagere pakudya, newe. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza, achaninipiswa; uye mumwe nomumwe anozvininipisa, achakudzwa.” Akatiwo kune akamukokera, “Kana wagadzira chisvusvuro kana chirariro, usadana shamwari dzako, kana vanun'una vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vako, kuti varege kukukokerazve, ugoripirwa. Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu. “Ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!” Iye akati kwaari, “Mumwe munhu akagadzira chirariro chikuru, akakokera vazhinji. “Akatuma muranda wake nenguva yokurarira kuti audze vakanga vakakokerwa, kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.’ Ipapo vose vakatanga nomwoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouona; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziedza; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndawana mukadzi, naizvozvo handingauyi.’ Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’ Muranda akati, ‘Ishe, izvo zvamarayira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.’ “Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare. Nokuti ndinoti kwamuri, hakuna mumwe kuna varume avo vandakokera, acharavira chirariro changu.’ ”
Ruka 14:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nerimwe zuva reSabata, Jesu paakaenda kune imwe imba yomumwe mutongi aive webato ravaFarisei. Vakanga vachiongorora zvaachaita. Hezvo pakava nomumwe murume aiva nechirwere chemhuka. Jesu akataura kunyanzvi dzomutemo navaFarisei achiti, “Zviri pamutemo here kana kuti kwete kuporesa nomusi weSabata?” Asi vakaramba vanyerere. Ipapo akamutora akamuporesa akamuti aende zvake. Akati kwavari, “Ndiani wenyu angati ane mwanakomana wake kana mombe yake inenge yawira mutsime asingabva aikwevera kunze nezuva reSabata.” Havana kukwanisa kupindura izvi. Akapa muenzaniso kune vakakokwa paakanga aona vachisarudza zvigaro zvavakuru vakuru achiti kwavari, “Kana uchinge wakokwa nani zvake kumabiko omuchato, rega kugara pachigaro chavakuru vakuru. Pangadaro pakakokwa munhu mukuru kupfuura iwe. Zvino iye akukokai mose angauye oti kwauri chipa nzvimbo yako kune munhu uyu. Ndipo paunozotangisa, kundogara pachigaro chevepasi pasi uchinyara. Asi kana wakakokwa enda undogara panzvimbo yapasi pasi kuitira kuti uya akukoka akauya, ati kwauri, ‘Shamwari kwira kumusoro.’ Unobva waremekedzwa pamberi pavanhu vose vagere pakudya newe, nokuti munhu wose anozvikudza achaninipiswa. Nouyo anozvininipisa achakudzwa.” Akataurirawo munhu akanga amukoka achiti, “Kana wagadzira chokudya kana mabiko, rega kukoka shamwari dzako kana vakoma navanun'una vako, kana hama dzako kana kuti vavakidzani vako vapfumi nokuti vangadaro vakazokukokawo uchizoripwa. Asi kana waita mabiko, koka varombo nezvirema nemhetamakumbo, namapofu. Uchakomborerwa nokuti havagoni kuzokudzorerawo. Unozodzorerwa pakumuka kwavakarurama.” Mumwe munhu akanga agere naye pakudya paakanzwa izvi, akati kwaari, “Akakomborerwa zvake achadya zvokudya muumambo hwaMwari.” Asi Jesu akati kwaari, “Mumwe munhu akaita mabiko makuru, akakoka vanhu vakawanda.” Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’ Saizvozvo muranda akauya akataurira izvi kuna tenzi wake. Saimba akashatirwa akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda kumigwagwa yeguta nomumikoto yaro uunze varombo navakaremadzwa namapofu navakaremara.’ Muranda akati, ‘Changamire zvamati zviitwe zvaitwa asi nzvimbo ichiripo.’ Tenzi akati kumuranda, ‘Enda kumigwagwa nomumaheji ugombedzere vanhu kupinda kuti imba yangu izare. Nokuti ndinokutaurirai kuti hapana kana nomumwechete waavo vakakokwa acharavira mabiko angu.’ ”
Ruka 14:1-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati apinda mumba momumŋe waʋakuru ʋaʋaFarise nomusi wesaɓata kuzodya ɀokudya, ʋakamucerekedza. Ɀino kwakaŋga kunomumŋe munhu pamberi pake waiʋa norukandwe. Ipapo Jesu akapindura, akataura kuʋaɗudziri ʋomurairo nokuʋaFarise, aciti: Kwakatenderwa kuporesa nomusi wesaɓata here, kana kwete? Ʋakaramba ʋanyerere. Ɀino akamutora, akamuporesa, ndokumuendisa. Akati kwaʋari: Ndianiko pakati penyu, uŋgati, kana mŋanakomana wake, kana ŋombe yake yawira mugomba, uŋgarega kuiɓuɗisa pakarepo nomusi wesaɓata? Ʋakasagona kupindura ɀe pamsoro paiɀoɀi. Ɀino wakataura mufananidzo kunaʋakakokerwa, nokuti wakaʋona ʋaciɀisanaŋgurira ɀigaro ɀapamberi, akati kwaʋari: Kana iwe uciŋge wakokerwa nomunhu kumutambo wokuwana, usagara pacigaro capamberi; ɀimŋe mumŋe, unokudzwa kupfuʋurewe, wakokerwa ʋo naye; ɀino wakakukokera iwe naye, uŋgaȿika, akati kwauri: Ibva’po, munhu uyu agare; ipapo ucataŋga kugara kucigaro ceshure ucinyara. Asi kana wakokerwa, enda ugare pacigaro ceshure, kuti uyo wakakukokera, kana aciȿika, agoti kwauri: Shamŋari, pinda mberi! Ɀino ucakudzwa we pamberi paʋose ʋagere pakudya newe. Nokuti mumŋe nomumŋe unoɀikudza, ucaninipiswa; ʋuye mumŋe nomumŋe unoɀininipisa, ucakudzwa. Akati ʋo kunowakamukokera: Kana wagadzira ciȿuȿuro kana cirayiro, usaɗana shamŋari dzako, kana ʋanuŋuna ʋako, kana hama dzako, naʋafumi ʋokwako, kuti ʋarege kukukokera ɀe, ugoripirwa. Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere ʋarombo, neɀirema, naʋanokamhina, namapofu. Ipapo ucaropafadzwa, ɀaʋasinaɀaʋaŋgakuripira naɀo, nokuti ucaripirwa pakumuka kwaʋakarurama. Mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya wakati aciɀinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo ucadya ɀokudya paʋushe bgaMŋari! Iye akati kwaari: Mumŋe munhu wakagadzira cirayiro cikuru, akakokera ʋazhinji. Akatuma muranda wake neŋguʋa yokurayira kuti aʋudze ʋakaŋga ʋakakokerwa, kuti: Ʋuyai, nokuti ɀose ɀagadzirwa ɀino. Ipapo ʋose ʋakataŋga nomŋoyo mumŋe kuɀireʋera. Wokutaŋga akati kwaari: Ndateŋga munda, ndinofanira kumbondouʋona; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndateŋga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira kuti undireʋere. Mumŋe akati: Ndawana mukadzi, naiɀoɀo handiŋgaʋuyi. Muranda akaʋuya, akaʋudza ishe wake iɀoɀo. Ipapo mŋene weimba akatsamŋa, akati kumuranda wake: Kurumidza, uɓuɗe kunzira huru neɗuku dzomumusha, uʋuye pano naʋarombo, neɀirema, namapofu, naʋanokamhina. Muranda akati: Ishe, iɀo ɀamaraira, ɀaitwa, asi nɀimbo ici’po. Ishe akati kumuranda: Ƃuɗa kunzira nokuʋuzhowa, uʋagombedzere ʋapinde, imba yaŋgu izare. Nokuti ndinoti kwamuri: Hakunomumŋe kunaʋarume aʋo ʋandakokera, ucaraʋira cirayiro caŋgu.
Ruka 14:1-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)