Zvino akati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi nomusi weSabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza. Zvino kwakanga kune mumwe munhu pamberi pake aiva norukandwe. Ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurayiro nokuvaFarisi, achiti, “Kwakatenderwa kuporesa nomusi weSabata here, kana kwete?”
Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa. Akati kwavari, “Ndianiko pakati penyu, angati, kana mwanakomana wake, kana mombe yake yawira mugomba, angarega kuibudisa pakarepo nomusi weSabata?”
Vakasagona kupindurazve pamusoro paizvozvi.
Zvino akataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti akaona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari, “Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumuchato, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, anokudzwa kupinda iwe, akokerwawo naye; zvino akakukokera iwe naye, angasvika, akati kwauri, ‘Ibvapo, munhu uyu agare; ipapo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyarara.’ Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo akakukokera, kana achisvika, agoti kwauri, ‘Shamwari, pinda mberi!’ Zvino uchakudzwa iwe pamberi pavose vagere pakudya, newe. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza, achaninipiswa; uye mumwe nomumwe anozvininipisa, achakudzwa.”
Akatiwo kune akamukokera, “Kana wagadzira chisvusvuro kana chirariro, usadana shamwari dzako, kana vanun'una vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vako, kuti varege kukukokerazve, ugoripirwa. Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu.
“Ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!”
Iye akati kwaari, “Mumwe munhu akagadzira chirariro chikuru, akakokera vazhinji.
“Akatuma muranda wake nenguva yokurarira kuti audze vakanga vakakokerwa, kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.’ Ipapo vose vakatanga nomwoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouona; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziedza; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndawana mukadzi, naizvozvo handingauyi.’ Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’ Muranda akati, ‘Ishe, izvo zvamarayira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.’
“Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare. Nokuti ndinoti kwamuri, hakuna mumwe kuna varume avo vandakokera, acharavira chirariro changu.’ ”