Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 13:22-35

Ruka 13:22-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa paakanga achienda kuJerusarema. Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?” Iye akati kwavari, “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni. Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’ “Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’ “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’ “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’ “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze. Vanhu vachabva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi, uye vachagara pazvigaro zvavo pamabiko muumambo hwaMwari. Zvirokwazvo, varipo vaya vokupedzisira vachazova vokutanga, uye vokutanga vachazova vokupedzisira.” Panguva iyoyo vamwe vaFarisi vakauya kuna Jesu vakati kwaari, “Ibvai pano muende kumwewo. Herodhi anoda kukuurayai.” Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’ Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema! “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba! Tarira, imba yako yasiyiwa yava dongo. Ndinoti kwauri, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa iye anouya muzita raShe.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 13

Ruka 13:22-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusaremu. Mumwe akati kwaari, “Ishe, vachazoponeswa vashoma here?” Akati kwavari, “Irwai kupinda nesuo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni. Panguva iyo kana muridzi weimba asimuka, azarira suo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuo, muchiti, ‘Ishe! Tizarurirei!’ Iye akapindura, achiti, kwamuri, ‘Handikuzivi kwamakabva.’ Zvino muchatanga kuti, ‘Taidya, tainwa pamberi penyu, uye maidzidzisa panzira dzomumisha yedu.’ Asi iye achati, ‘Ndinokuudzai, handizivi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, vaiti vezvisakarurama!’ Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchiona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose vari muushe hwaMwari, asi imi mabudiswa kunze. “Vanhu vachabva kumabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nezasi, vakagara muushe hwaMwari. Tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.” Nenguva iyo vamwe vaFarisi vakasvika, vakati kwaari, “Budai, mubve pano, nokuti Herodhi anoda kukuurayai.” Akati kwavari, “Endai, mundoudza mhungubwe iyo, muti, ‘Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa, ndinoporesa nhasi namangwana, nezuva retatu ndinopedzisa.’ Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita aurawe kunze kweJerusaremu. “Jerusaremu, Jerusaremu, unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; asi ndinoti kwamuri, hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe!’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 13

Ruka 13:22-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa ari parwendo rwake rwokuenda kuJerusaremu. Pano mumwe akati kwaari, “Tenzi, vachaponeswa vashoma here?” Iye akati kwavari, “Vavarirai kupinda napamusuo wakamanikana, nokuti ndinokutaurirai kuti, vazhinji vachaedza kupinda asi vachakundikana. Muridzi wemba akangosimuka chete akazarira musuo muchatangisa kumira kunze muchigogodza muchiti, ‘Tenzi tizarurireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handikuzivei kwamunobva.’ Ipapo muchatanga kuti, ‘Inga taidya nokunwa nemi uye maidzidzisa mumigwagwa yedu wani,’ asi iye achati ndinokuudzai kuti, ‘Handikuzivei kwamunobva. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa.’ Ikoko vachachema vachirumanidza mazino kana moona Abhurahamu naIsaki naJakobho navaporofita vose vari muumambo hwaMwari asi imi madzingirwa kunze. Vanhu vachauya vachibva kumabvazuva nokumadokero uye vachibva kuchamhembe nokumaodzanyemba vachizogara pakudya muumambo hwaMwari. Chinzwai, kuno vamwe vari vokupedzisira vachava vokutanga. Vamwewo vokutanga vachazova vokupedzisira.” Panguva iyoyo vamwe vaFarisei vakauya vakati kwaari, “Chibvai kuno nokuti Herodhi ari kuda kukuurayai.” Iye akati kwavari, “Endai mundotaurira gava iroro kuti, ‘Ndiri kudzinga mweya yakaipa ndichaporesa nhasi namangwana, pazuva retatu ndobva ndapedza basa rangu.’ Izvo zviri izvowo zvokuti ndinofanira kumbofamba parwendo rwangu nhasi namangwana nezuva ramangwana acho nokuti hazviite kuti muporofita apararire kunze kweJerusaremu.” “Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai! Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo asi wakaramba. Chiona, imba yako yasiiwa yava dongo. Ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 13

Ruka 13:22-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakafamba namaguta nemisha, acidzidzisa, aciŋgoenda Jerusarema. Mumŋe akati kwaari: Ishe, ʋacazoponeswa ʋashoma here? Akati kwaʋari: Irwai kupinda nesuʋo rakamanikana; nokuti ʋazhinji, ndinoti kwamuri, ʋacatȿaka kupinda, asi haʋaŋgagoni. Paŋguʋa iyo kana mŋene weimba asimuka, azarira suʋo, imi mukataŋga kumira kunze, mukagogodza pasuʋo, muciti: Ishe! tizarurirei! Iye akapindura, aciti kwamuri: Handikuziʋiyi imi kwamakabva. Ɀino mucataŋga kuti: Taidya, tainwa pamberi penyu, ʋuye maidzidzisa panzira dzomumisha yeɗu. Asi iye ucati: Ndinokuʋudzai: Handiziʋi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, ʋaiti ʋeɀisakarurama! Apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno, kana muciʋona Abrahama naIsaka naJakobo naʋaprofita ʋose ʋari muʋushe bgaMŋari, asi imi maɓuɗiswa kunze. Ʋacabva mabvazuʋa, nokumaʋirira, nokumsoro, nezasi, ʋakagara muʋushe bgaMŋari. Tarirai, ʋari’po ʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga, noʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira. Neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaFarise ʋakaȿika, ʋakati kwaari: Ƃuɗai, mubve pano, nokuti Herode unoɗa kukuʋurayai. Akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza mhuŋgubge iyo, muti: Tarira, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa, ndinoporesa nhasi namaŋgwana, nezuʋa retatu ndinopedzisa. Asi ndinofanira kufamba nhasi namaŋgwana, nerinoteʋera, nokuti haɀiŋgaitiki kuti muprofita aʋurawe kunze kweJerusarema. Jerusarema, Jerusarema, unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri; ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo; asi ndinoti kwamuri: Hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe!

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 13

Ruka 13:22-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)