Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 13:22-35

Ruka 13:22-35 SUB1949

Ɀino wakafamba namaguta nemisha, acidzidzisa, aciŋgoenda Jerusarema. Mumŋe akati kwaari: Ishe, ʋacazoponeswa ʋashoma here? Akati kwaʋari: Irwai kupinda nesuʋo rakamanikana; nokuti ʋazhinji, ndinoti kwamuri, ʋacatȿaka kupinda, asi haʋaŋgagoni. Paŋguʋa iyo kana mŋene weimba asimuka, azarira suʋo, imi mukataŋga kumira kunze, mukagogodza pasuʋo, muciti: Ishe! tizarurirei! Iye akapindura, aciti kwamuri: Handikuziʋiyi imi kwamakabva. Ɀino mucataŋga kuti: Taidya, tainwa pamberi penyu, ʋuye maidzidzisa panzira dzomumisha yeɗu. Asi iye ucati: Ndinokuʋudzai: Handiziʋi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, ʋaiti ʋeɀisakarurama! Apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno, kana muciʋona Abrahama naIsaka naJakobo naʋaprofita ʋose ʋari muʋushe bgaMŋari, asi imi maɓuɗiswa kunze. Ʋacabva mabvazuʋa, nokumaʋirira, nokumsoro, nezasi, ʋakagara muʋushe bgaMŋari. Tarirai, ʋari’po ʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga, noʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira. Neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaFarise ʋakaȿika, ʋakati kwaari: Ƃuɗai, mubve pano, nokuti Herode unoɗa kukuʋurayai. Akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza mhuŋgubge iyo, muti: Tarira, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa, ndinoporesa nhasi namaŋgwana, nezuʋa retatu ndinopedzisa. Asi ndinofanira kufamba nhasi namaŋgwana, nerinoteʋera, nokuti haɀiŋgaitiki kuti muprofita aʋurawe kunze kweJerusarema. Jerusarema, Jerusarema, unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri; ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo; asi ndinoti kwamuri: Hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe!

Verenga chikamu Ruka 13