Revhitiko 5:14-16
Revhitiko 5:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Kana munhu akakanganisa mukusaziva aita udyire hokusapa zvinhu zvinoera zvinofanira kuripwa kuna Tenzi, anofanira kuunza mupiro wokuripa mhosva kuna Tenzi wehondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka pairi. Iwe ndiwe unotema mutengo wayo wemari yesirivha inowirirana nemari yesirivha iya yeShekeri yomuNzvimbo Inoera. Ichochi chibayiro chemupiro wokuripa mhosva. Anofanira kudzosera pakare zvinhu zvinoera zvaaifanira kunge akapa. Pazvikamu zvishanu zvakaenzana, ngapapamhidzirwe chimwechete, achipe kumupristi. Mupristi ngaamupirire chibayiro chokupfupira zvitadzo nehondohwe iya yemupiro wokuripa mhosva. Chitadzo chake chonobva charegererwa.
Revhitiko 5:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi: “Kana munhu akakanganisa chimwe chinhu uye akatadza nokusaziva maererano nezvinhu zvose zvitsvene zvaJehovha, anofanira kuuya kuna Jehovha nomuripo wegondobwe risina kuremara, uye rine muripo unokwanirana nesirivha, maererano neshekeri repanzvimbo tsvene. Ichi chipiriso chezvivi. Anofanira kuripira zvaakatadza kuita maererano nezvinhu zvitsvene, agowedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu agopa zvose kumuprista, achamuyananisira negondobwe sechipiriso chemhosva, uye acharegererwa.
Revhitiko 5:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chegondohwe risina mhosva ramakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva. Ngaatsive chinhu chaakatadza pachinhu chitsvene, awedzere pachiri chimwe cheshanu chacho, achipe mupristi, mupristi agomuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva, akanganwirwe.
Revhitiko 5:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Kana munhu akakanganisa mukusaziva aita udyire hokusapa zvinhu zvinoera zvinofanira kuripwa kuna Tenzi, anofanira kuunza mupiro wokuripa mhosva kuna Tenzi wehondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka pairi. Iwe ndiwe unotema mutengo wayo wemari yesirivha inowirirana nemari yesirivha iya yeShekeri yomuNzvimbo Inoera. Ichochi chibayiro chemupiro wokuripa mhosva. Anofanira kudzosera pakare zvinhu zvinoera zvaaifanira kunge akapa. Pazvikamu zvishanu zvakaenzana, ngapapamhidzirwe chimwechete, achipe kumupristi. Mupristi ngaamupirire chibayiro chokupfupira zvitadzo nehondohwe iya yemupiro wokuripa mhosva. Chitadzo chake chonobva charegererwa.
Revhitiko 5:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Kana munhu akaɗarika, akatadza nokusaziʋa paɀinhu ɀitȿene ɀaJehova, ŋgaaʋuye kunaJehova necipiriso cemhoȿa yake, cegondobge risinemhoȿa ramakwai ake, ucimutarira mashekeri esirveri ucienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene; ciʋe cipiriso cemhoȿa. Ŋgaatsiʋe cinhu caakatadza pacinhu citȿene, awedzere paciri cimŋe ceshanu caco, acipe muprista, muprista agomuyananisira negondobge recipiriso cemhoȿa, akaŋganwirwe.