Revhitiko 16:5-10
Revhitiko 16:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kubva kuungano yavaIsraeri anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa. “Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake. Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana. Anofanira kukanda mijenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa. Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya waJehovha agoibayira sechipiriso chechivi. Asi mbudzi inosarudzwa nomujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yokutakudzwa.
Revhitiko 16:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Aroni ngaapiwe negungano ravaIsiraeri makotora embudzi maviri omupiro wokupfupira zvitadzo pamwechete nehondohwe yomupiro wokupisa. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaatore mbudzi mbiri dziya aende nadzo kumusuo wetendhe rokusanganira, adzimise pana Tenzi. Aroni ngaaitire mbudzi dziya mbiri chin'ange, imwe ive yaTenzi imwe ive yaAzazeri yokurasirira. Aroni ngaauye nembudzi inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyaTenzi, aiite mupiro wokupfupira zvitadzo. Asi mbudzi iya inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyokurasirira ngaiuyiwe nayo pana Tenzi iri mhenyu ive yokuripira nayo zvitadzo kuti indorasirirwa kurenje kuna Azazeri.
Revhitiko 16:5-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino anofanira kutora kuungano yavana vaIsiraeri nhongo mbiri dzembudzi, chive chipiriso chezvivi, negondohwe rimwe, chive chipiriso chinopiswa. Aroni anofanira kuuya nenzombe yake duku yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire, iye neveimba yake. Zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana; Aroni zvino anofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri. “Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvivi. Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri.
Revhitiko 16:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Aroni ngaapiwe negungano ravaIsiraeri makotora embudzi maviri omupiro wokupfupira zvitadzo pamwechete nehondohwe yomupiro wokupisa. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaatore mbudzi mbiri dziya aende nadzo kumusuo wetendhe rokusanganira, adzimise pana Tenzi. Aroni ngaaitire mbudzi dziya mbiri chin'ange, imwe ive yaTenzi imwe ive yaAzazeri yokurasirira. Aroni ngaauye nembudzi inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyaTenzi, aiite mupiro wokupfupira zvitadzo. Asi mbudzi iya inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyokurasirira ngaiuyiwe nayo pana Tenzi iri mhenyu ive yokuripira nayo zvitadzo kuti indorasirirwa kurenje kuna Azazeri.
Revhitiko 16:5-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino unofanira kutora kuʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri nhoŋgo mbiri dzembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa. Aroni unofanira kuʋuya nenzombe yake ɗuku yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire, iye naʋeimba yake. Ɀino ŋgaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana; Aroni ɀino unofanira kukanda mijenya pamsoro pembudzi mbiri, mumŋe mujenya waJehova, mumŋe waAzazeri. Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nembudzi yakaɓatwa nomujenya pamberi paJehova, ndokuiɓayira ciʋe cipiriso ceɀiʋi. Asi mbudzi yakaɓatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehova kuti ayananisire pamsoro payo, igoregedzwa iende kurenje, iʋe yaAzazeri.