Revhitiko 16:21-22
Revhitiko 16:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Anofanira kuisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu agoreurura pamusoro payo kuipa nokumukira kwose kwavaIsraeri, zvivi zvavo zvose agozviisa pamusoro pembudzi. Acharega mbudzi ichienda kurenje nomunhu anenge apiwa basa iroro. Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu achairegedzera murenje.
Revhitiko 16:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Aroni agoisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose; ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu wakanga arairwa. Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose kunyika isina vanhu; anofanira kuregedza mbudzi iyo murenje.
Revhitiko 16:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Aroni ngaaise maoko ake ose ari maviri pamusoro wayo areurure pairi uipi hwose hwavaIsiraeri, noumhandupandu hwavo hwose nezvitadzo zvavo zvose, aise zvose pamusoro payo. Ngaaise mumaoko omumwe munhu anenge asarudzwa andoirasirira mugwenga. Mbudzi iyoyo ichatakura uipi hwavo hwose. Munhu uya achandoirasirira kugwenga.
Revhitiko 16:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Aroni agoisa maʋoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureʋurura pamsoro payo ɀakaipa ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri nokuɗarika kwaʋo kwose, iɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀose; ŋgaaɀiise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumŋe kurenje nomunhu wakaŋga arairwa. Mbudzi iyo inofanira kutakurira ɀakaipa ɀaʋo ɀose kunyika isinaʋanhu; unofanira kuregedza mbudzi iyo murenje.
Revhitiko 16:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)