Revhitiko 13:59
Revhitiko 13:59 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Uyu ndiwoyu murao wezvechiundudzi chinenge chava pahanzu yakarukwa yewuru kana yerineni, kana pane chii zvacho chakagadzirwa nedehwe kuti pagoonekwa kana chiri chakan'ora kana chisina kun'ora.”
Revhitiko 13:59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo mirayiro inoenderana nokuzadzwa namaperembudzi kwechipfeko chewuru kana chomucheka, mucheka wakarukwa kana chinhu chose chedehwe kuti zvigoziviswa kuti zvakachena kana kuti hazvina kuchena.
Revhitiko 13:59 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.”
Revhitiko 13:59 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Uyu ndiwoyu murao wezvechiundudzi chinenge chava pahanzu yakarukwa yewuru kana yerineni, kana pane chii zvacho chakagadzirwa nedehwe kuti pagoonekwa kana chiri chakan'ora kana chisina kun'ora.”