Kuungudza kwaJeremia 3:20-25
Kuungudza kwaJeremia 3:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.” Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka
Kuungudza kwaJeremia 3:20-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo. Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro. Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru. Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye. Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka.
Kuungudza kwaJeremia 3:20-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu. Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura. Ini ndinoti Tenzi ndiye nhaka yangu, naizvozvo ndiye chitarisiro changu. Tenzi akanaka kuna vanomumirira kumunhu anomutsvaka.
Kuungudza kwaJeremia 3:20-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu. Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro. Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru. Jehova ndiwo mugoʋe waŋgu — ndiɀo ɀinotaura mŋeya waŋgu; naiɀoɀo ndicaʋimba naye. Jehova unoitira ɀakanaka ʋanomumirira, naiwo mŋeya unomutȿaka.
Kuungudza kwaJeremia 3:20-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)