Kuungudza kwaJeremia 3:18-23
Kuungudza kwaJeremia 3:18-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.” Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
Kuungudza kwaJeremia 3:18-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ini ndikati, “Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha.” Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru. Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo. Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro. Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru.
Kuungudza kwaJeremia 3:18-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka ndichiti zvangu zvomukurumbira wangu zvakapera uyewo zvandaitarisira kuna Tenzi zvakapera. Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu. Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura.
Kuungudza kwaJeremia 3:18-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ini ndikati: Simba raŋgu rapera, neɀandakaŋga ndakatarira kunaJehova. Raŋgarirai kutambudzika kwaŋgu nenhamo yaŋgu, iro gaʋakaʋa nenduru. Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu. Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro. Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru.
Kuungudza kwaJeremia 3:18-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)