Kuungudza kwaJeremia 1:20
Kuungudza kwaJeremia 1:20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu! Ndiri kurwadziwa mukati mangu, uye ndakakanganisika mumwoyo mangu, nokuti ndakakumukirai zvikuru. Kunze, munondo unondiurayira hama; mukati, munongova norufu.
Kuungudza kwaJeremia 1:20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi, mwoyo wangu unotambudzika; mwoyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
Kuungudza kwaJeremia 1:20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Tarisai zvenyu muone Tenzi nhamo yacho yandinayo. Ini ndatambura ini, mwoyo wangu wadzongodzwa mukati mangu nokuda kwokupanduka kwangu kwakaipisa; mumigwagwa'mu mapakatwa chete kuuraya, mudzimbawo rufu rwoga rwoga.
Kuungudza kwaJeremia 1:20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, Jehova, nokuti ndiri panjodzi, mŋoyo waŋgu unotambudzika; Mŋoyo waŋgu washanduka mukati maŋgu, nokuti ndakakumukirai simba; Kunze munondo unonditorera, mumba makaita somunorufu.
Kuungudza kwaJeremia 1:20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)