Judha 1:18-22
Judha 1:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati kwamuri, “Munguva yokupedzisira kuchava navaseki vachatevera kuchiva kwavo.” Ava ndivo vanhu vanokuparadzanisai, vanotevera nyama yavo uye vasina Mweya. Asi imi, vadikani, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene. Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni avo vanokahadzika
Judha 1:18-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti vakakuudzai kuti, “Nenguva yokupedzisira vaseki vachavako, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.” Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasina Mweya. Asi imi vadikanwi, muzvivake mukutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaIshe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi. Ivai nengoni navamwe vane nyunyuto
Judha 1:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakati kwamuri: “Mumazuva okupedzisira kuchava navadadi vanotevedza mapangiro avo asina zvaMwari.” Vanhu ivavo imharadzi dzavanhu, vanhu venyika vasina Mweya. Asi imi hama dzangu ibvai mazvivaka pachitendero chenyu chinoera kwazvo kwazvo. Namatai muina Mweya Mutsvene. Rambai muchingodana naMwari. Rambai makangotarisira kuti Tenzi Jesu Kristu achakuitirai nyasha dzinokusvitsai kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni vanokahadzika
Judha 1:18-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti ʋakakuʋudzai kuti neŋguʋa yokupedzisira ʋaseki ʋacaʋa’ko, ʋanofamba nokuciʋa kwaʋo ʋasiŋgaɗi Mŋari. Ndiʋo ʋanoparadzansia, ndoʋenyama, ʋasinoMŋeya. Asi imi ʋaɗikanwa, muɀiʋake pakutenda kwenyu kutȿene‐tȿene, munyeŋgetere muMŋeya Mutȿene, muɀiceŋgete muruɗo rwaMŋari, mucitarira ŋgoni dzaShe weɗu, Jesu Kristu, muʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Iʋai neŋgoni naʋamŋe ʋanenyunyuto
Judha 1:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)