Judha 1:1-4
Judha 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Judha, muranda waJesu Kristu nomununʼuna waJakobho, kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba, vanochengetwa naJesu Kristu: Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri. Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.
Judha 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Judhasi, muranda waJesu Kristu, munun'una waJakobho, kuna vakadanwa, vakadikanwa muna Mwari Baba, vakachengetererwa Jesu Kristu: Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri. Vadikanwi, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwechete, Ishe wedu Jesu Kristu.
Judha 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Judha muranda waJesu Kristu munun'una waJakobho ndinokunyorerai imi makadaidzwa, vapamwoyo paMwari Baba imi makachengeterwa Jesu Kristu. Dai mangoramba muchingoitirwa tsitsi muchidiwa zvikuru kwazvo. Vadikanwi pandaiva neshungu dzokukunyorerai nezvoruponeso rwedu tose, ndakaona chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndikunyorerei ndichikukumbirai kuti murwirewo chitendero chakapiwa chakamwe kuvatsvene. Pana vamwe vanhu vakapinda pakati penyu zvomuchivande. Vanhu ivavo vakatemerwa kare kare kurangwa kwavo ikoko. Vanhu vasiri vatendi vaMwari vanosandura nyasha dzaMwari wedu kuti vawane maitiro ounzenza vachiramba Changamire naTenzi wedu mumwechete, Jesu Kristu.
Judha 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Judasi, muranda waJesu Kristu, munuŋuna waJakobo, kunaʋakaɗanwa, ʋakaɗikanwa munaMŋari Ƃaɓa, ʋakaceŋgetererwa Jesu Kristu: Ŋgoni, norugare, noruɗo ŋgaɀiwanzwe kwamuri. Ʋaɗikanwa, ndakati ndicishiŋgaira ɀikuru kukunyorerai pamsoro pokuponeswa kweɗu tose, ndakaʋona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndicikurairai kuti murwire kwaɀo kutenda kwakaɗeya kupiwa ʋatȿene kamŋe. Nokuti kunaʋamŋe ʋarume ʋakapinda pakaʋanda, ʋakagara ʋaisirwa kare kutoŋgwa uku, ʋanhu ʋasiŋgaɗi Mŋari, ʋanoshandura nyasha dzaMŋari weɗu ʋacidziita ʋutere, ʋaciramba Tenzi uyu mumŋe cete, Ishe weɗu Jesu Kristu.
Judha 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)