Joshua 6:12-17
Joshua 6:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Joshua akamuka rungwanangwana zuva raitevera vaprista ndokutakura areka yaJehovha. Vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe vakaenda pamberi, vakafamba pamberi peareka yaJehovha vachiridza hwamanda. Varume vakanga vakatakura zvombo zvokurwa nazvo vakavatungamirira uye varindi veshure vakatevera areka yaJehovha, hwamanda dzichingoridzwa. Naizvozvo pazuva rechipiri vakafamba vachipoteredza guta kamwe chete vakadzokera kumisasa. Vakaita izvi kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, vakamuka mambakwedza vakafamba vachipoteredza guta kanomwe nenzira imwe chete, asi musi uyu vakapoterera guta kanomwe. Panguva yechinomwe, vaprista pavakaridza hwamanda, Joshua akarayira vanhu achiti, “Danidzirai! Nokuti Jehovha akupai guta! Guta nezvose zviri mariri rinofanira kupiwa kuna Jehovha. Asi Rahabhi chifeve bedzi navose vaainavo mumba make ndivo vachasiyiwa, nokuti akavanza vasori vatakatuma.
Joshua 6:12-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Joshua akamuka mangwanani, vapristi vakasimudza areka yaJehovha. Navapristi vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda. Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu. Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyo bedzi vakapoteredza guta kanomwe. Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, “Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta. Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma.
Joshua 6:12-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa aifumomuka rungwanani, vapristi votakura bhokisi raTenzi rechitenderano, vapristi vanomwe vaya vehwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe, vaienda mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano, vachingoridza chete hwamanda. Varume vainge vakapakata zvombo zvehondo vaifamba vari mberi kwavo, shurewo kwebhokisi raTenzi rechitenderano kuchitevera vokuchengetedza shure, iyo ngondo yehwamanda ichingodandaura chete. Nezuva rechipiri vakafamba vachitenderera guta iroro kamwechete, vakadzokera kumatendhe. Ndozvavakaita kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe vakamuka mambakwedza, vakafamba vachitenderera guta irori sezvavaichiita zvimwechetezvo kanomwe. Asi musi iwoyu chete ndiwo wavakatenderera guta iri kanomwe. Vakati zvino vatenderera kechinomwe, vapristi varidzawo hwamanda, Joshuwa akati kuvanhu “Daidzirai nokuti Tenzi aisa guta irori mumaoko enyu. Guta rose nezvose zviri mariri zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe kuna Tenzi kusiya chete Rahabhu, pfambi iya pamwechete navose vaanavo mumba make, ndivo vachararama nokuti akahwandisa vasori vaya vatakatuma.
Joshua 6:12-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Joshua akamuka maŋgwanani, ʋaprista ʋakasimudza areka yaJehova. Naʋaprista ʋanomŋe ʋakaŋga ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge pamberi peareka yaJehova, ʋakaramba ʋacifamba ʋaciŋgoridza hwamanda; naʋarume ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋakaʋatuŋgamirira; naʋarindi ʋeshure ʋakateʋera areka yaJehova, ʋaprista ʋakafamba ʋaciŋgoridza hwamanda. Nomusi wecipiri ʋakapoteredza guta kamŋe cete, ʋakadzokera kumisasa; ʋakaita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu. Nomusi wecinomŋe ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapoteredza guta nomutoʋo iwoyo kanomŋe; nomusi iwoyo ɓedzi ʋakapoteredza guta kanomŋe. Ɀino paŋguʋa yecinomŋe, ʋaprista ʋakati ʋaciridza hwamanda, Joshua akati kuʋanhu: Ƌanidzirai, nokuti Jehova wakupai guta. Asi guta rinofanira kuyeriswa kunaJehova, iro neɀose ɀiri mukati maro; asi Rakabi ɓedzi, cifeʋe ciya, ŋgaaregwe ari mupenyu, iye naʋose ʋari mumba make, nokuti wakaʋanza nhume dzatakatuma.
Joshua 6:12-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)