Joshua 4:23-24
Joshua 4:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka. Akaita izvi kuitira kuti ndudzi dzose dzapanyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha rune simba uye kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.”
Joshua 4:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka; kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
Joshua 4:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodaro nokuti Tenzi, Mwari wenyu akakuomeserai mvura yaJorodhani kusvikira mayambuka, sezvakaitawo iye Tenzi, Mwari wenyu kugungwa Dzvuku raakatiomesera kusvikira tayambuka, kuitira kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzigoziva kuti Tenzi ane simba guru kwazvo, uyewo kuti mutye Tenzi Mwari wenyu wose narini narini.”
Joshua 4:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Jehova Mŋari wakapxisa mvura yaJoridani pamberi penyu, kuȿikira mayambuka, seɀaakaita iye Jehova Mŋari wenyu paGuŋgwa Dɀuku, raakapxisa pamberi peɗu, kuȿikira tayambuka; kuti ndudzi dzose dzenyika dziziʋe kuti ruʋoko rwaJehova ndirwo runesimba; kuti ʋatye Jehova Mŋari wenyu nokusiŋgaperi.
Joshua 4:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)