Joshua 3:2-4
Joshua 3:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kwakati kwapera mazuva matatu, vatungamiriri vakapinda mumatendhe, vachiudza vanhu vachiti, “Kana mukaona vapristi, vaRevhi vatakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari wenyu, imiwo ibvai masimuka mubve pamunenge muri muritevere, ndokuti muzive kwokuenda nako nokuti hamusati mambosvika nokuno. Chiripo chete ndechokuti pakati penyu naro panofanira kuva nechinhambwe chekiromita rimwechete, musasvike pedyo naro.”
Joshua 3:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwamazuva matatu vatungamiri vavanhu vakapinda mumisasa, vachirayira vanhu vachiti, “Pamunoona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navaprista, vaRevhi, voitakura, munofanira kubva panzvimbo dzenyu moitevera. Ipapo muchaziva nzira yamunofanira kuenda nayo, nokuti hamusati mambofamba nenzira iyi. Asi munofanira kusiya nzvimbo inosvika makubhiti zviuru zviviri pakati penyu neareka. Regai kuswedera pedyo nayo.”
Joshua 3:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa, vakaraira vanhu, vachiti, “Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapristi vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera. Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi.”
Joshua 3:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakati kwapera mazuva matatu, vatungamiriri vakapinda mumatendhe, vachiudza vanhu vachiti, “Kana mukaona vapristi, vaRevhi vatakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari wenyu, imiwo ibvai masimuka mubve pamunenge muri muritevere, ndokuti muzive kwokuenda nako nokuti hamusati mambosvika nokuno. Chiripo chete ndechokuti pakati penyu naro panofanira kuva nechinhambwe chekiromita rimwechete, musasvike pedyo naro.”
Joshua 3:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa matatu akati apera, ʋatariri ʋakapinda napakati pemisasa, ʋakaraira ʋanhu, ʋaciti: Kana muciʋona areka yesuŋgano yaJehova Mŋari wenyu, naʋaprista ʋaRevi ʋoitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuiteʋera. Asi munofanira kusiya nɀimbo pakati penyu naiyo, inoȿika makubiti aneŋge ɀuru ɀiʋiri; regai kusweɗera kwairi, kuti muziʋe nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi.