Joshua 3:14-16
Joshua 3:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo vanhu pavakasimuka kubva pamisasa kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vakanga vakatakura areka yesungano vakavatungamirira. Zvino Jorodhani runogara ruzere nguva yose yokukohwa. Asi vaprista vakanga vakatakura areka pavakangosvika paJorodhani tsoka dzavo dzichitsika kumucheto kwemvura, mvura yaibva kumusoro yakabva yamira kuerera. Yakaungana ikaita murwi iri kure chaizvo, paguta rinonzi Adhama pedyo neZaretani, mvura yaiererawo ichidzika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu) yakagurwa zvachose. Naizvozvo vanhu vakayambuka mhiri kwakatarisana neJeriko.
Joshua 3:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vapristi vaitakura areka vakatungamirira vanhu; zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavapristi vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,) mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kurekure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
Joshua 3:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo vanhu pavakasimuka paiva namatendhe avo, vachindoyambuka Jorodhani vakatungamirirwa mberi kwavo navapristi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano. Jorodhani urwu runozara mhiri nemhiri panguva yose yokukohwa. Vaprisiti vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano pavakasvika pana Jorodhani, tsoka dzavo padzakangoti tsikei mumvura, mvura yaibva nechokumusoro kwarwo yakati murwi tuku ndokusundana yakati fuse fuse kusvikura kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani. Mvura iya yaierera ichidzika narwo ichienda kugungwa reArabha, gungwa romunyu, yakabva yanyatsopararaniswa, vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
Joshua 3:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacibva pamatente aʋo, kuti ʋayambuke Joridani, ʋaprista ʋaitakura areka ʋakatuŋgamirira ʋanhu; ɀino ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋakati ʋaciȿika paJoridani, netsoka dzaʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka dzicinyikwa pamuceto wemvura, (nokuti Joridani runofashamira nhiʋi dzarwo dzose ŋguʋa yose yokukohwa,) mvura yakaŋga icibva kumsoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kuȿikira kurekure paAdama, guta riri kurutiʋi rweZaretani; neyakaŋga iciyerera kuguŋgwa reAraba, ndiro Guŋgwa roMunyu, yakagurwa cose; ʋanhu ʋakayambuka pakatarisana neJeriko.
Joshua 3:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)