Joshua 18:1-3
Joshua 18:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro vakadzikapo Tende Rokusangana. Nyika yakanga yava pasi pavo, Asi kwakanga kwasara marudzi manomwe avaIsraeri akanga asati agoverwa nhaka yawo. Saka Joshua akati kuvaIsraeri, “Muchamirira kusvika rinhiko musati matora nyika yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu?
Joshua 18:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakaungana paShiro, ikadzikapo tende rokusangana; nyika yakanga yakundwa navo. Asi pakati pavana vaIsiraeri kwakanga kwasara marudzi manomwe akanga achigere kukamurirwa nhaka yawo. Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, “Muchanonoka kusvikira riniko kupinda nokutora nyika, yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu?
Joshua 18:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino gungano rose ravaIsiraeri rakaungana kuShiro, rikadzika tendhe rokusanganira ikoko, nyika iyoyo yakanga yatova mumaoko avo. Asi kwakange kuchine madzinza manomwe avaIsiraeri akanga asati atora nyika yawo yenhaka. Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Kusvikira riniko muchingoverengera kudai, musingandotora nyika iyi yamakapiwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu kuti ive yenyu?
Joshua 18:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakaʋuŋgana paShiro, ikadzika’po tente rokusoŋgana; nyika yakaŋga yakundwa naʋo. Asi pakati paʋana ʋaIsraeri kwakaŋga kwasara marudzi manomŋe akaŋga acigere kukamurirwa nhaka yawo. Ɀino Joshua akati kuʋana ʋaIsraeri: Mucanonoka kuȿikira riniko kupinda nokutora nyika, yamakapiwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu?
Joshua 18:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)