Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 18

18
C: KUGOVERWA NYIKA KWAMADZINZA AKANGA ASATI ATORA MUGOVE WAWO
1Zvino gungano rose ravaIsiraeri rakaungana kuShiro, rikadzika tendhe rokusanganira ikoko, nyika iyoyo yakanga yatova mumaoko avo.
2Asi kwakange kuchine madzinza manomwe avaIsiraeri akanga asati atora nyika yawo yenhaka. 3Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Kusvikira riniko muchingoverengera kudai, musingandotora nyika iyi yamakapiwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu kuti ive yenyu? 4Ndipei varume vatatu vatatu padzinza ndivatume kuti vasimuke vandomema nyika iyi yose, vanyore vachiitsanangudza maererano nenhaka ichava yedzinza nedzinza, vozodzokera kuno kwandiri. 5Ngavaikamure muzvikamu zvinomwe. VokwaJudha ngavarambe vari kumaodzanyemba, vokwaJosefiwo vari kwavo kuchamhembe. 6Munonyora muchitsanangudza zvikamu izvozvo zvinomwe mouya nazvo kuno kwandiri, ndikuitirei chin'ange pana Tenzi, Mwari wedu. 7Asi vaRevhi havana mugove wenyika wavanowana pakati penyu nokuti upristi hwaTenzi ndonhaka yavo. Kana vari vokwaGadhi nevokwaRubheni nechimwe chikamu chevokwaManase vakatogoverwa kare nhaka yavo naMosesi muranda waTenzi, kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani.”
8Varume vokundomema nyika vakasimuka vakapinda munzira. Joshuwa akavakomera achiti, “Chiendai mufambe nyika yose iyoyo muchiimema, muchinyora mamiriro ayakaita mugozodzoka kuno kwandiri ndikuitirei chin'ange pano paShiro pana Tenzi.” 9Saka varume ava vakaenda, vakafamba nyika yose iyoyo vachiimema, vachinyora mubhuku mamiriro ayakaita, guta neguta. Vakaiisa muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kwaiva naJoshuwa kumatendhe kuShiro. 10Joshuwa akavaitira chin'ange chiya kuShiro pana Tenzi, akagovera vaIsiraeri nyika ipapo achipa dzinza nedzinza nyika yaro.
Nhaka nyika yakagoverwa dzinza rokwaBhenjamini
11Mugove wakapiwa vedzinza rokwaBhenjamini mhuri nemhuri ndiwo wakatanga kubuda pachin'ange. Vakagoverwa nyika iri pakati penyika yedzinza rokwaJudha neyedzinza rokwaJosefi. 12Muganhu wayo wokuchamhembe waibvira muna Jorodhani woenda nokumateru okuchamhembe kweJeriko. Hoyo wokwidza nomunyika yemakomo nechokumadokero kusvikira kurenje reBhetiavheni. 13Waizobva ipapo wakananga kumateru okumaodzanyemba kweguta reRuzi ravakunzi Bhetieri wodzika wakananga kuAtarotiadhori pamakomo okumaodzanyemba kweBhetihoroni yezasi. 14Muganhu wayo wokumadokero unotangira pachikomo chakatarisana neguta reBhetihoroni chiri kumaodzanyemba kwaro. Wozobvapo wakananga kumaodzanyemba kusvikira, kuKiriatibhaari ndiro guta reKiriatijearimu, guta revedzinza rokwaJudha. Iwoyu ndomuganhu wayo wokumadokero. 15Muganhu wayo wokumaodzanyemba waibvira kunoperera guta reKiriatijearimu wombonanga kumadokero wosvika kutsime remvura reNefutoa. 16Waizondosvika mujinga megomo rakatarisana nebani romwanakomana waHinomu kuchamhembe kwebani ravaRefaimu. Waizoti tande nebani iroro wopfuura nokumateru okumaodzanyemba kwavaJebhusi uchidzika kusvikira kuEnirogeri. 17Waibva ipapo wonanga kuchamhembe kusvika kuEnishemeshi, woramba uchienda kudzamara wasvika kuGeriroti rakatarisana nomupata weAdhumimu, wozondosvika kuDombo raBhohani mwanakomana waRubheni. 18Muganhu iwoyu unopfuura wakananga kumateru okuchamhembe kweBhetiarabha, kusvikira kunyika yeArabha. 19Waizopfuurapo wakananga kumateru okuchamhembe kweguta reBhetihogira, wondosvika kumahombekombe okuchamhembe kwegungwa roMunyu, kumaodzanyemba kwaJorodhani pamadiro arwo. Iwoyu ndomuganhu wayo wokumaodzanyemba. 20Rwizi rwaJorodhani ndiwo munganhu wayo wokumabvazuva. Iyoyi ndiyo nhaka yemhuri yedzinza rokwaBenjamini mhuri nemhuri nemiganhu yayo kumativi ose.
21Maguta evedzedzinza rokwaBhenjamini mhuri nemhuri ndiwo aya. Kunoti guta reJeriko neBhetihogira neEmekikezizi, 22neBhetiarabha neZemaraimu neBhetieri, 23neAvhimu nePara neOfura, 24neKefariamoni neOfuni neGebha, ose pamwechete aiva maguta gumi namaviri nemisha yawo; 25kwouya reGibheoni neRama neBheeroti, 26neMizipa neKefira neMoza, 27neRekemu neIripeeri neTarara neZera; 28Kwozoti guta reZera neHaerefu neJebhusi rakazonzi Jerusaremu, ndokuzouya guta reGibhea neKiriatijearimu. Ose pamwechete aiva gumi ramaguta rina maguta mana. Iyoyi ndiyo nhaka yemhuri dzedzinza rokwaBhenjamini.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshuwa 18: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda