Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 1:5-17

Joshua 1:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Hakuna achagona kurwisana newe kwamazuva ose oupenyu hwako. Sezvandaiva naMozisi, ndichava newe; handizokusiyi kana kukurasa. “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndivape senhaka yavo. Simba ushinge kwazvo. Chenjerera kuti uteerere mirayiro yose yawakapiwa naMozisi muranda wangu; usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwaunoenda. Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo. Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.” Ipapo Joshua akarayira vatungamiri vavanhu achiti, “Pindai mumusasa mutaurire vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu. Mukati memazuva matatu muchayambuka Jorodhani urwu kuti mupinde mutore nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ” Uye Joshua akati kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase, “Rangarirai shoko ramakapiwa naMozisi muranda waJehovha achiti: ‘Jehovha Mwari wenyu anokupai zororo uye akupai nyika iyi.’ Vakadzi venyu, vana venyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara munyika yamakapiwa naMozisi kudivi rino reJorodhani, asi varume venyu vose vehondo, vakabata zvombo, vanofanira kuyambukira mhiri mberi kwehama dzenyu. Munofanira kubatsira hama dzenyu kusvikira Jehovha avapa zororo, sezvaakakuitirai, uye kusvikira vatorawo nyika yavari kupiwa naJehovha Mwari wavo. Mushure maizvozvo, munogona kudzokera munogara munyika yenyu, yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha iri kumabvazuva kweJorodhani.” Ipapo vakapindura Joshua vachiti, “Chipi nechipi chamuchatirayira tichaita, uye kwose kwose kwamuchatituma tichaenda. Tichakuteererai zvizere sokuteerera kwatakaita Mozisi. Chete, Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi sezvaaiva naMozisi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 1

Joshua 1:5-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMosesi; handingakuregi kana kukusiya. Simba, utsunge mwoyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo. Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda, Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera. Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.” Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati, “Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, ‘Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jorodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.’ ” Joshua akataura navaRubheni navaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati, “Rangarirai shoko ramakarairwa naMosesi, muranda waJehovha, achiti, ‘Jehovha Mwari wenyu uchakupai zororo, nokukupai nyika iyi.’ Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMosesi nechouno mhiri kwaJorodhani, asi imi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire; kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu.” Vakapindura Joshua, vakati, “Zvose zvamunotiraira, tichazviita, pose pamunotituma tichaendapo. Sezvataiteerera Mosesi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemiwo; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMosesi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 1

Joshua 1:5-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Hakuna achagona kumirisana newe, mazuva oupenyu hwako hwose. Ndichava newe sezvandaingoita naMosesi. Handimbokusiyi uri woga, kana kukurega uchikundikana. Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa. Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda. Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo. Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.” Joshuwa akataurira vatungamiriri vavanhu achiti, “Endai mutevedze nomumatendhe muchiudza vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu nokuti mushure memazuva matatu muchayambuka Jorodhani muchindotora nyika yamuri kupiwa naTenzi, Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ” Joshuwa akataurira vedzinza rokwaRubheni neraGadhi nechikamu chepakati napakati chevedzinza rokwaManase achiti, “Yeukai zvamakaudzwa naMosesi, muranda waTenzi achiti, ‘Tenzi, Mwari wenyu ari kukupaiwo pokugara uye kuti ari kukupai nyika iyi. Madzimai nepwere dzenyu vachasara pamwechete nemombe dzenyu munyika ino yamakapiwa naMosesi kumabvazuva kwaJorodhani. Asi varwi venyu vose vachayambuka, vakapakata zvombo zvokurwa, vatungamire mberi kwehama dzenyu, muvabatsire, kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu pokugara, sezvaakakuitiraiwo imi, vandotorawo nyika yavari kupiwa naTenzi Mwari wenyu. Ndopamungazodzokawo zvenyu mogara munyika yenhaka yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi, kumhiri kwaJorodhani kunobuda nezuva moiita yenyu.’ ” Ivo vakati kuna Joshuwa, “Zvose zvamatiudza, ndozvatichaita, kwose kwamunotituma tinoenda. Sokuteerera kwataingoita Mosesi pazvinhu zvose, ndokuteerera kwatichakuitaiwo. Chete, dai Tenzi, Mwari wenyu angovawo nemi sezvaiita naMosesi!

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 1

Joshua 1:5-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Hakunomunhu ucagona kumira pamberi pako mazuʋa ose oʋupenyu bgako; ndicaʋa newe seɀandaisiʋa naMosesi; handiŋgakuregi kana kukusiya. Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti ucagarisa ʋanhu aʋa nhaka yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo, iʋe yaʋo. Asi usimbe nokutsuŋga mŋoyo kwaɀo, kuti ucenjere kuita murairo wose wandakaraira Mosesi muranda waŋgu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruɓoshwe, kuti uʋe nomufaro pose paunoenda. Buku iyi yomurairo haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuiraŋgarira masikati noʋusiku, kuti ucenjere kuita ɀose ɀakanyorwa’mo; nokuti nokuɗaro ucaɀiwanira mufaro panzira yako nokuɓata nokucenjera. Ko handina‐kukuraira here? Simba, utsuŋge mŋoyo; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari wako unewe kwose kwaunoenda. Ipapo Joshua akaraira ʋatariri ʋaʋanhu, akati: Pindai napakati pemisasa, muraire ʋanhu, muti: Ɀigadzirirei mbuʋa, nokuti mazuʋa matatu acigere kupera mucafanira kuyambuka Joridani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, iʋe yenyu. Joshua akataura naʋaRubeni naʋaGadi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati: Raŋgarirai shoko ramakarairwa naMosesi, muranda waJehova, aciti: Jehova Mŋari wenyu ucakupai zororo, nokukupai nyika iyi. Ʋakadzi ʋenyu nepxere dzenyu neɀipfuwo ɀenyu ɀicasara panyika yamakapiwa naMosesi necoʋuno mhiri kwaJoridani, asi imi ʋarume ʋose ʋanesimba noʋumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashoŋga nhumbi dzokurwa, muʋaɓatsire; kuȿikira Jehova apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yaʋanopiwa naJehova Mŋari wenyu iʋe yaʋo; ipapo muŋgadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMosesi, muranda waJehova, iri necoʋuno mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kuti iʋe yenyu. Ʋakapindura Joshua, ʋakati: Ɀose ɀamunotiraira, ticaɀiita, pose pamunotituma ticaenda’po. Seɀataiterera Mosesi paɀose, saiɀoɀo ticakutererai nemi ʋo; Jehova Mŋari wenyu ŋgaaʋe nemi, seɀaaiʋa naMosesi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 1

Joshua 1:5-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)