Joshua 1:2-5
Joshua 1:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mozisi muranda wangu afa. Zvino iwe navanhu ava chigadzirirai kuyambuka rwizi rweJorodhani mupinde munyika yandava kupa vana vaIsraeri. Ndakupai nzvimbo yose yose yamuchatsika netsoka dzenyu, sezvandakavimbisa Mozisi. Nyika yenyu ichabva kugwenga ichisvika kuRebhanoni, uye ichabva kurwizi rukuru, Yufuratesi, nenyika yose yavaHiti, ichisvika kuGungwa Guru riri kumavirazuva. Hakuna achagona kurwisana newe kwamazuva ose oupenyu hwako. Sezvandaiva naMozisi, ndichava newe; handizokusiyi kana kukurasa.
Joshua 1:2-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mosesi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana vaIsiraeri. Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMosesi. Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu. Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMosesi; handingakuregi kana kukusiya.
Joshua 1:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Muranda wangu Mosesi akafa saka iwe, chisimuka uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende munyika yandiri kupa vaIsiraeri ivava. Pose zvapo pamuchatsika norutsoka rwenyu, ndinokupai sokutsidza kwandakaita kuna Mosesi. Kubvira kurenje kusvikira kuRebhanoni uku, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi nenyika yose yavaHiti kusvikira kugungwa guru rokumadokero, ndiyo ichava nyika yenyu. Hakuna achagona kumirisana newe, mazuva oupenyu hwako hwose. Ndichava newe sezvandaingoita naMosesi. Handimbokusiyi uri woga, kana kukurega uchikundikana.
Joshua 1:2-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mosesi, muranda waŋgu wafa; ɀino simuka iwe uyambuke Joridani urwu, iwe naʋanhu aʋa ʋose, muende kunyika yandinoʋapa iʋo ʋana ʋaIsraeri. Nɀimbo imŋe neimŋe icatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, seɀandakataura naMosesi. Kubva murenje neRebanoni iri, kuȿikira parwizi rukuru, irwo rwizi Ufratesi, nenyika yose yaʋaHeti, kuȿikira kuguŋgwa guru, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, ndiyo nyika yenyu. Hakunomunhu ucagona kumira pamberi pako mazuʋa ose oʋupenyu bgako; ndicaʋa newe seɀandaisiʋa naMosesi; handiŋgakuregi kana kukusiya.
Joshua 1:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)