Jona 4:6-7
Jona 4:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha Mwari akameresa muti womuzambiringa, akauita kuti ukure kumusoro kwaJona kuti uite mumvuri pamusoro pake, kuti shungu dzake dzidzikire, uye Jona akafara kwazvo nokuda kwomuzambiringa. Asi chifumi chezuva rakatevera Mwari akatuma gonye rikadya muzambiringa uyu zvokuti wakasvava.
Jona 4:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari ndokuraira muti womuchindwe, akaumeresa kumusoro kwaJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake, shungu dzake dzinyaradzwe. Zvino Jona akafarira kwazvo muti womuchindwi. Asi nezuva rakatevera Mwari akaraira gonye mangwanani, rikamunya muchindwi, ukasvava.
Jona 4:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo TENZI akameresa mupfuta akaukurisa pana Jona ukava mumvuri pamusoro pake kuti amufaranutse munhamo yake. Ipapo Jona akafadzwa zvikuru kwazvo nomupfuta wacho. Kuzoti ramangwana acho mambakwedza, Mwari akatuma gonye rikaruma mupfuta uya ukabva wauna.
Jona 4:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari ndokuraira muti womucindwe, akaumeresa kumsoro kwaJona, kuti uʋe mumvuri pamusoro wake, shuŋgu dzake dzinyaradzwe. Ɀino Jona akafarira kwaɀo muti womucindwe. Asi nezuʋa rakateʋera Mŋari wakaraira gonye maŋgwanani, rikamunya mucindwe, ukaȿaʋa.
Jona 4:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)