Jobho 8:3-6
Jobho 8:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here? Vana vako pavakamutadzira, akaita kuti varangirwe chivi chavo. Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose, kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
Jobho 8:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko Mwari angakanganisa pakutonga here? WaMasimbaose angakanganisa zvakarurama here?” Kana vana vako vakanga vamutadzira iye, Akavaisa pakudarika kwavo; Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari, Ukakumbira kuna waMasimbaose; Kana ukava akanaka, akaruruma; Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako, Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama.
Jobho 8:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari angaite zvisina ruenzaniso here? Samasimba angaite zvisina kururama here? Kana vana vako vakamutadzira akavaisaka mujambwa rokutadza kwavo. Ukatsvaka Mwari uchinamata kuna iye Samasimba, kana uri mutsvene wakarurama, anotokusimukira achikupa mubayiro wopokugara pakanaka.
Jobho 8:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko Mŋari uŋgakaŋganisa pakutoŋga here? Wamasimba ose uŋgakaŋganisa ɀakarurama here? Kana ʋana ʋako ʋakaŋga ʋamutadzira iye, Akaʋaisa pakuɗarika kwaʋo; Kana iwe ukashiŋgaira kutȿaka Mŋari, Ukakumbira kunaWamasimba ose; Kana ukaʋa wakanaka, wakarurama; Iye uŋgaɗai aimuka ɀino nokuɗa kwako, Akafambisa ɀakanaka imba yako yakarurama.
Jobho 8:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwari angaite zvisina ruenzaniso here? Samasimba angaite zvisina kururama here? Kana vana vako vakamutadzira akavaisaka mujambwa rokutadza kwavo. Ukatsvaka Mwari uchinamata kuna iye Samasimba, kana uri mutsvene wakarurama, anotokusimukira achikupa mubayiro wopokugara pakanaka.