Jobho 38:25-27
Jobho 38:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, nenzira yechimvuramabwe, kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri, kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?
Jobho 38:25-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndianiko akacherera boporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo; Kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, Parenje pasina vanhu; Kuti ivhu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe; Uye bumhudza rimereswe here?
Jobho 38:25-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani akachera migero yemvura yamapopopo, napanofamba namabhanan'ana? Achinaisa mvura panyika isina ari kugarapo, mugwenga musina munhu. Achinyorovesa renje zvaro rakaoma achiita kuti ivhu rimere uswa
Jobho 38:25-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko wakacerera ɓoporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo; Kuti mvura iniswe panyika isinaʋanhu, Parenje pasinaʋanhu; Kuti ivu rakasiyiwa nerakaparadzwa rigutswe; Ʋuye ɓumhudza rimereswe here?