Jobho 32:1-10
Jobho 32:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka. Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva. Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’ Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa. Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka. “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.
Jobho 32:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino varume ava vatatu vakarega kupindura Jobho, nokuti akati ndakarurama hangu. Ipapo Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, weimba yaRami, akatsamwa kwazvo; akatsamwira Jobho kwazvo, nokuti akanga azviruramisa kupfuura Mwari. Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nokuti vakanga vashaiwa mhinduro, kunyange zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva. Zvino Erihu akanga amirira kutaura naJobho, nokuti ivo vaiva vakuru kwaari pazero. Zvino Erihu akati achiona kuti hapene mhinduro pamiromo yavanhu ava vatatu, iye akatsamwa kwazvo. Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, “Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu. Ndakati, ‘Vana mazuva mazhinji ngavataure havo, Vana makore mazhinji ngavadzidzise vamwe uchenjeri.’ Asi mweya uripo pamunhu, Kufuridzira kwowaMasimbaose kunovapa kunzwisisa. Havazi vakuru vakachenjera, Kana vatana vanonzwisisa kururamisira. Saka ndakati, ‘Chindinzwai; Neniwo ndichakuzivisai kufunga kwangu.’
Jobho 32:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Varume vatatu ava ndopavakabva varega kupindurana naJobhu nokuti Jobhu aizviona saakarurama. Asi Erihu mwana waBharakieri muBhuzi wedzinza rokwaRamu akashatirwa kwazvo akashatirirwa Jobhu nokuti akazviita mururami kupinda Mwari. Akashatirirwawo shamwari dzake nhatu nokuti vakanga vasina kuwana nzira dzokupwisa nadzo Jobhu kunyange akati Jobhu ane mhosva. Erihu haana kunge ataura kuna Jobhu nokuti vamwe vaya vakanga vari vakuru kwaari. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisina chokutaura, Erihu akaita hasha. Naizvozvo Erihu mwana waBharakieri muBhuzi akati, “Ini ndiri muduku imi makura, naizvozvo ndanga ndichinyara ndichitya kukuudzai zvandinoziva. Ndati regai vakura ndivo vataure vane makore aendedzana vape ungwaru. Asi chaizvoizvo Mweya waSamasimba uri mumunhu femo raMwari ndiro rinopa kunzwisisa. Vakura havasiri ivo chete vane ungwaru kana kuti vachembera vanonzwisisa zvine ruenzaniso. Naizvozvo ndinoti chimboteereraiwo ndimbotaurawo zvandinofunga.
Jobho 32:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋarume aʋa ʋatatu ʋakarega kupindura Jobo, nokuti wakati ndakarurama haŋgu. Ipapo Erihu mŋanakomana waBarakeri muBuzi, weimba yaRami, wakatsamŋa kwaɀo; wakatsamŋira Jobo kwaɀo, nokuti wakaŋga aɀiruramisa kupfuʋura Mŋari. Akatsamŋira ʋo kwaɀo shamŋari dzake nhatu, nokuti ʋakaŋga ʋashaiwa mhinduro, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaŋga ʋapa haʋo Jobo mhoȿa. Ɀino Erihu wakaŋga amirira kutaura naJobo, nokuti iʋo ʋaiʋa ʋakuru kwaari pazero. Ɀino Erihu wakati aciʋona kuti hapenemhinduro pamiromo yaʋanhu aʋa ʋatatu, iye akatsamŋa kwaɀo. Ɀino Erihu mŋanakomana waBarakeri muBuzi wakapindura, akati: Ini ndiri muɗuku, asi imi maʋa ʋakuru kwaɀo; Saka ndakaɀidzora haŋgu, ndikatya kukuziʋisai kufuŋga kwaŋgu. Ndakati: Ʋanamazuʋa mazhinji ŋgaʋataure haʋo, Ʋanamakore mazhinji ŋgaʋadzidzise ʋamŋe ʋucenjeri. Asi mŋeya uri’po pamunhu, Kufuridzira kwoWamasimba‐ose kunoʋapa kunzwisisa. Haʋazi ʋakuru ʋakacenjera, Kana ʋatana ʋanonzwisisa kururamisira. Saka ndakati: Cindinzwai; Neni ʋo ndicakuziʋisai kufuŋga kwaŋgu.
Jobho 32:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)