Varume vatatu ava ndopavakabva varega kupindurana naJobhu nokuti Jobhu aizviona saakarurama. Asi Erihu mwana waBharakieri muBhuzi wedzinza rokwaRamu akashatirwa kwazvo akashatirirwa Jobhu nokuti akazviita mururami kupinda Mwari. Akashatirirwawo shamwari dzake nhatu nokuti vakanga vasina kuwana nzira dzokupwisa nadzo Jobhu kunyange akati Jobhu ane mhosva. Erihu haana kunge ataura kuna Jobhu nokuti vamwe vaya vakanga vari vakuru kwaari. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisina chokutaura, Erihu akaita hasha. Naizvozvo Erihu mwana waBharakieri muBhuzi akati, “Ini ndiri muduku imi makura, naizvozvo ndanga ndichinyara ndichitya kukuudzai zvandinoziva. Ndati regai vakura ndivo vataure vane makore aendedzana vape ungwaru. Asi chaizvoizvo Mweya waSamasimba uri mumunhu femo raMwari ndiro rinopa kunzwisisa. Vakura havasiri ivo chete vane ungwaru kana kuti vachembera vanonzwisisa zvine ruenzaniso. Naizvozvo ndinoti chimboteereraiwo ndimbotaurawo zvandinofunga.
Verenga chikamu Jobhu 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobhu 32:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo